Munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaJames Manzou vanoti Zimbabwe ine chido chekuumba hukama neAmerica neEU kuti zvirango zvayakatemerwa zvibviswe.
Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa voita musangano nevatori venhau muHarare nhasi vachitaura nezvemamiriro akaita zvinhu munyika.
Mutevedzeri wemubati wehomwe muMDC VaCharlton Hwende avo vakasungwa nezuro vanonzi vadzoke kudare musi wa 20 Kurume.
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vari muWashington umo vari kuita misangano neWorld Bank pamwe nezvizvarwa zveZimbabwe.
Meya weKwekwe Amai Angeline Kasipo voshanyirawo Washington DC.
Muchirongwa cheDiaspora Forum na 8pm tiri kutarisa rwendo rwaMuzvinafundo Mthuli Ncube kuWsshington DC vachiyedza kuumba hukama nehurumende yeAmerica neIMF neWorld Bank.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum