Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 15, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 15, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Huwandu hwevanhu vanonzi vakafira kumugodhi weku Battlefields musi weChipiri manheru hunonzi hunogona kudarika zana hurumende ichiti yatara tsaona iyi se national Disaster, izvo zvichaona mhuri yemufi wega wega achipihwa chiuru chemadhora negumbeze pamunhu wega wega.

Mutori wenhau dzemifananidzo, Zinyange Anthony, anorangarira mutungamiri weMDC wekutanga, muchakabvu Morgan Tsvangirai, nekuisa mifananidzo yavo yaakatora vachiri vapenyu kusvika pakuvigwa kwavo padandemutande rake.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya zvinofanirwa kuitwa nemutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, kuitira kuti gakava rezvematongerwo enyika ripere zvachose, nyika yoenderera mberi.

Munyori weZimbabwe Council of Churches, VaKenneth Mtata, vanoti hachisi chokwadi kuti sangano ravo rine chinangwa chekubvisa hurumende pachigaro sezviri kuburitswa mumadandemutande.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa kurudziro iri kuitwa yekuti munyika muve nekutaurirana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG