Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 19, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 19, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dare reConstitutional Court rinoti kushandiswa kwemauto nemapurisa sevachuchisi vehurumende mumatare edzimhosva hazvisi pamutemo.

Munyori akaita mukurumbira munyika nekunze, Doctor Charles Mungoshi, vanoradzikwa kumusha kwavo kuManyene kuChivhu mudunhu reMashonaland East.

Nhengo yeZanu PF yakaitwa gamba renyika, VaCalistus Ndlovu, vanorangarirwa muBulawayo nhasi.

Hurongwa hwekutsvaga vanhu vakawirwa netsaona yepaBattlefields mine kuKadoma huri kuenderera mberi mushure mekunge vanhu makumi maviri nevana vawanikwa vakafa, vasere vakawanikwa vachiri vapenyu.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika pamwe nedzehupfumi dzotanga kuzeya zvingave zviri mugwaro rehurongwa hwemari huchaturwa mangwana nagavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Panonetsa Mangudya.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zvingaitwe nevechidiki panyaya dzebudiriro kumaruwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG