Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vasvitsa Makore Makumi Mapfumbamwe neMashanu


Vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasvitsa makore makumi mapfumbamwe nemashanu.

Vanhu vakawanda vanoti VaMugabe vakakwanisa kuunza hurumende yekuzvitonga kuzere muna 1980, kuvandudza dzidzo, kupa vanhu vatema minda, zvikuru vebato ravo.

Munguva yavo yehutongi, VaMugabe vairemekedzwa zvikuru nenyika dzemuAfrica, zvikuru padanho ravo rekutorera vachena mapurazi avo.

Asi vamwe vakawanda, zvikuru vemapato anopikisa pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu vanoti VaMugabe vaive mutongi aimbunyikidza kodzero dzevanhu vane maonero akasiyana navo.

VaMugabe vakabviswa pachigaro nemauto muna Mbudzi 2017, Zanu PF ikasarudza VaEmmerson Mnangagwa semutungamiri mutsva.

VaMugabe vakadzingwawo mubato zvichitevera kubviswa kwavakaitwa pachigaro nemauto.

Mutungamiri wesangano rePlatform For Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti vaMugabe vane zvakanaka nezvakaipa zvavakaita asi vazhinji vanoshushikana nekutyorerwa kwavakaitwa kodzero dzavo naVaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG