Senzira yekuedza kukwezva vanhu kuti vaende kunonyoresa kuvhota, sangano reElection Resource Centre rinonzi rakapaurura choringwa chekuti vanhu vakwanise kunonyoresa kuvhota.
Mutungamiri webato guru rinopikisa muMozambique, reRENAMO, VaAfonso Dhlakama, vanonzi vakashaya nezuro nechirwere chinofungidzirwa kuti ndechemoyo.
VaDhlakama vakatungamira bato reRENAMO kwemakore makumi matatu nemapfumbamwe muhondo yebato iri yekurwisana nehurumende yeMozambique.
Mapato anopikisa pamwe nemasangano akazvimirira vanoti zvakaitika musarudzo dzekutsvaga vachamirira Zanu PF musarudzo, zvekushandiswa kwemapurisa pamwe nemidziyo yehurumende, mucherechedzo wekuti Zanu PF haichaziva pane muganhu webato nehurumende.
Chirwere ichi chakambowanikwa munyika pakati pemwedzi yaChivabvu naNyamavhuvhu gpre rapera, asi chakazonzi chakanga chakwanisa kuparadzwa muna Zvita
Varairidzi vanoti vari kuronga kusvitsa kuhurumende neChitatu tsamba yekuzivisa nezvekuronga kuramwa mabasa panovhurwa zvikoro mwedzi unouya.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvanga zviine tarisiro yekuvhota musarudzo dziri kuitwa gore rino zviri munyika dzazvigere zvakaoreswa mwoyo neMugovera, apo zvakazivisa kuti izvi hazvisi kuzokwanisa kuitika gore rino sezvo hurumende isina zvikwanisiro.
Vanamukoti, avo vanga vave nesvondo vachiramwa mabasa, vari kutarisirwa kudzoka pabasa vose nhasi Muvhuro, zvichitevera kuzivisa kwavakaita neMugovera kuti vakanga vave kumisa kuramwa mabasa uku.
Mukuru we International Cross Border Association, VaDenis Juru, vanoti huori hwanyaya pabhodha reZimbabwe neSouth Africa.
Hurumende yeJapan yapa rubatsiro rwemari inoita miriyoni imwechete yemadhora kumasangano anoti re United Nations Children's Fund (UNICEF) neWorld Food Program, (WFP), iyo ichashandiswa mukubatsira vanotambura muZimbabwe.
Bato reNational Constitutional Assembly, NCA riri kukurudzira nyika dzekumawirira kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende, vachiti zvirango izvi hazvina zvazvinobatsira nzvo nyika.
Kunyange hazvo hurumende yakazivisa neChipiri kuti yakanga yadzinga basa vanamukoti vose vari pakuramwa mabasa, sangano rinomirira vanamukoti, re Zimbabwe Nurses Association rakakurudzira nhengo dzaro kuti dzisavhundutsirwe, uye kuti hapana chati chashanduka.
Kunyange hazvo zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni mana zvichinzi zviri kunze kwenyika, vakawanda vavo vanoti havana kuchinja mutupo nekubvakacha kana kushanya, vachiti vangaenda kunyika dziri kure sei asi vanoramba vari vana veZimbabwe chete.
Mugwaro ravaburitsa manheru ano, VaChiwenga vati hurumende yavo yakanga yabvuma kuzadzisa zvichemo zvavana mukoti ava, kunyange hazvo vashandi ava vasina kuona kukosha kwazvo kuitira kubatsira varwere vari mumaoko avo.
Hurumende Yoenderera Mberi neKukwezva Vekunze
Zuva iri rinocherechedzwa musi wa7 Kubvumbi pasi rose, asi sangano iri rakasarudza kuricherechedza musi wa 13 Kubvumbi, kumahofisi esangano reWorld Health Organisation, WHO, ari kuNewlands, muHarare.
Makakatanwa akatsemura bato rinopikisa reMDC-T kumusha, ayambukawo nyanza kuenda kuAmerica, uko kwavevo nemakakatanwa ekutungamira bato iri mudunhu reNorth America, zvichitevera kuparadzana kwaMuzvare Thokozani Khupe, naVaNelson chamisa.
VaMasisi, avo vakagadzwa kutanga kwemwedzi uno, vari kutarisirwa kuperekedzwa nemakurukota maviri, uye vanonzi vachasangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Kuenderera mberi kwedambudziko rekushaikwa kwemari kumabhanga emunyika kunonzi kwave kupa kuti mamwe mabhanga ape vanenge vachitora mari dzavo kumabhanga mari dzinosvika zana remadhora pazuva dziri dzemusvo wemasendi gumi.
Munyori anoona nezvemitemo muZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, varamba mashoko ekuti dzimwe nhengo dzedare reparamende mubato ravo mudunhu reMasvingo, dziri kurambidzwa kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato dzichipomerwa mhosva yekudyidzana nechikwata cheG40.
Rodhai zvimwe