Accessibility links

Breaking News

Vanamukoti Vairamwa Mabasa Votarisirwa Kudzoka paBasa


vanamukoti pavairamwa mabasa muHarare svondo rapera
vanamukoti pavairamwa mabasa muHarare svondo rapera

Vanamukoti, avo vanga vave nesvondo vachiramwa mabasa, vari kutarisirwa kudzoka pabasa vose nhasi Muvhuro, zvichitevera kuzivisa kwavakaita neMugovera kuti vakanga vave kumisa kuramwa mabasa uku.

Gwaro rakaburitswa nesangano rinomirira vanamukoti, reZimbabwe Nurses Association nemusi weMugovera, rinoti zvinosuwisa kuti matanho avanamukoti ekuratidza kunyunyuta kwavo nemabatirwo avo pamabasa akanga ave kuiswa kune zvematongerwo enyika.

Sangano ravanamukoti iri rinoti kuitira kuti nhaurirano, idzo dzakanga dzambomira, dzienderere mberi, uyewo kudzivirirawo vashandi kuti vasashungurudzwa, vanamukoti vose vakawirirana kumisa kuramwa mabasa uku kuti uye vave kudzokera kubasa.

Sangano iri rinoti vose vanamukoti vakanga vari pakuramwa mabasa vari kutarisirwa kudzokera kumabasa kwavo nhasi.

Asi hazvisati zvazivikanwa kuti vanamukoti ava vachatambirwa here kana kuti kwete, sezvo hurumende yakanga yazivisa kare kuti vose vakanga vapinda pakuramwa mabasa vakanga vadzingwa mabasa, uye vanoda basa vaifanirwa kutonyorera patsva vachitsvaga basa.

Hurumende yakazivisawo zvakare kuti yakanga yatotanga kutambira matsamba kubva kunavanamukoti vaitsvaga mabasa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG