Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoti Yakangwarira Chirwere cheAvian Influenza icho Chakaonekwa kuSouth Africa


Chirwere cheAvian Influenza chinowanikwa zvakare muhuku, idzo dzinozodyiwa nevanhu.
Chirwere cheAvian Influenza chinowanikwa zvakare muhuku, idzo dzinozodyiwa nevanhu.

Hurumende inoti yakangwarira kupararira kwechirwere cheAvian Influenza, zvichitevera kuwanikwa kwechirwere ichi mushiri dzesango muSouth Africa.

Bepanhau reHerald rinoti mumwe mukuru anoona nezvechengetedzwa kwemhuka mubazi rezveminda nekugariswa kwevanhu patsva, Doctor Josphat Nyika, vakatenda kuti South Africa yakanga yawana chirwere ichi mumatunhu maduku maviri ari mudunhu reNorth West.

Zimbabwe inoti inotyira kuti chirwere ichi chinogona kupararira nekukasika sezvo shiri dzichienda kwose kwose.

Chirwere ichi chakambowanikwa munyika pakati pemwedzi yaChivabvu naNyamavhuvhu gpre rapera, asi chakazonzi chakanga chakwanisa kuparadzwa muna Zvita.

Mutungamiri wesangano ravanachiremba vemuzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Doctor Amos Tsopo, vanoti savanachiremba, vakagadzirira kurwisana nechirwere ichi kana chakangonzi chapinda munyika.

Doctor Tsopo vanoti sesangano, vachatangawo kuyambira veruzhinji nezvechirwere ichi, uye nzira dzavanofanirwa kutora kana vakanga vafunga kuti vabatwa nechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG