Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inodzinga Basa Vanamukoti Vari Kuramwa Mabasa


Vanamukoti vachiratidzira

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vazivisa kuti hurumende yadzinga mabasa vana mukoti vose vari pakuramwa mabasa.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, uye vari mukuru wechimwe chikwata chevashandi vehurumende, VaConstantino Chiwenga, vari kupomera vashandi ava mhosva yekuramba kudzokera kumabasa kunyange hazvo hurumende yakaisa mari inodarika mamiriyoni gumi nemanomwe muhomwe yebazi rezvehutano kuti ibhadhariswe vana mukoti ava.

Mugwaro ravaburitsa manheru ano, VaChiwenga vati hurumende yavo yakanga yabvuma kuzadzisa zvichemo zvavana mukoti ava, kunyange hazvo vashandi ava vasina kuona kukosha kwazvo kuitira kubatsira varwere vari mumaoko avo.

Vati nekuda kwekusaona kukosha kwebasa ravo vanamukoti ava, hurumende yavo yave kutoona sekunge zvine chekuita nezve matongerwo enyika, zvisisineyi nemashandiro avanamukoti kana mararamiro avo.

VaChiwenga vati nekuda kwekuti vadzinga vanamukoti vose ava, hurumende yaronga kuti Health Services Board ipinze mabasa vanamukoti vose vakapedza zvidzidzo zvavo asi vasiri kushanda, uye kudzosa pamabasa vose vanamukoti vakaenda pamudyandigere.

Asi munyori mukuru wesangano ravana mukoti, reZimbabwe Nurses association, VaEnock Dongo, vanoti havasati vaudzwa nehurumende kuti vanamukoti vose vadzingwa mabasa, kunze kwekunzwa panhepfenyuro yeZBC.

VaDongo vanoti vari kutarisira kusangana nehurumende neChitatu kuti vanzwisise nezvedanho rayo iri.

Munyika munonzi mune vanamukoti vanodarika zviuru gumi nezvitanhatu vanga vachishanda vari muzvipatara zvehurumende, avo vanonzi vari pakuramwa mabasa pari zvino.

Vanamukoti vakatanga kuramwa mabasa nemusi weMuvhuro vachida kuti vawedzerwe mari dzemihoro, uye kuti mashandiro avo agadziriswe.

VaDongo vanoti havana chavakambowirirana nehurumende pane zvichemo zvavo zvose zvavakasvitsa kugurukota rezvehutano, Doctor David Parirenyatwa.

Vanoti VaParirenyatwa vakaudza hurumende zvisizvo, izvo zvazoita kuti itore danhu rekuvadzinga basa iri.

Studio haina kukwanisa kunzwa divi raVaParirenyatwa panyaya iyi.

Hurukuro naVaEnock Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG