Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voti Vekunze Vachiri Kutya Kusima Mari Dzavo Munyika


Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa, left, shakes hands with Chinese President Xi Jinping as they pose for the media after a signing ceremony at the Great Hall of the People in Beijing, China, April 3, 2018.
Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa, left, shakes hands with Chinese President Xi Jinping as they pose for the media after a signing ceremony at the Great Hall of the People in Beijing, China, April 3, 2018.

Dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti Zimbabwe, iyo yave pasi pehutongi hutsva hwaVaEmmerson Mngangagwa, yave munzira yekumuka munyaya dzezvehupfumi, uye iri kurwisa kuti ibate nyika dzepasi rose.

Vanoti Zimbabwe iri kumuka ava vanoti vari kuona zviri kuitika mune zveupfumi zvichitevera kurudziro yaVaMnangagwa yekuti vekunze vane mari dzavo vapinde munyika kunotanga mabhizimusi avo, uye kudyara mari dzavo.

VaMnangagwa nehurumende yavo vari kukwezva vekunze nekurudziro yekuti mikana yekuita mabhizimusi muZimbabwe yakavhurika, kana kuti “Zimbabwe is Open for Business”.

Nyanzvi idzi dinoti Zimbabwe yakatanga nekunyevenutsa mutemo wekuendeswa kweupfumi kuvatema, kutaudzana nedzimwe nyika dzaive Makara asionani nehurumende yaVaRobert Mugabe, uye kurerutsa nzira dzevanoda kutanga mabhizimusi munyika.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika pamwe nekutengeserana nevekunze, VaSibusiso Moyo, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, pamwe nagavhuna vebhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, pari zvino vari muno muAmerica mavari kupinda misangano yekuedza kukwezva vekunze kuZimbabwe.

Asi mukuru wesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti hapana chikuru chati chaonekwa chinganzi vekunze vari kutambira kukokwa kuti vatange mabhizimusi munyika, sezvo vazhinji vari kuda kutanga vaona mafambiro achaita saudzo.

Doctor Kanyenze vanoti vari kupinda munyika vakawanda vanhu vari kuda kutanga vanzwisisa nekuona kuti nguva yekutanga mabhizimusi yanyevenukawo here, sezvo chiri chimwe chezvinhu zvavanoti zviri kuita kuti vekunze vasade kudyara mari dzavo munyika.

Hurukuro naDoctor Godfrey Kanyenze
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG