Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoshoropodzwa neKushandisa Kwayo Mapurisa muSarudzo dzeBato


Mapurisa anonzi akashandiswa neZabu PF kufambisa sarudzo, izvo zvinonzi nemapato anopikisa zviri kunze kwemutemo.
Mapurisa anonzi akashandiswa neZabu PF kufambisa sarudzo, izvo zvinonzi nemapato anopikisa zviri kunze kwemutemo.

Mapato anopikisa pamwe nemasangano akazvimirira vanoti zvakaitika musarudzo dzekutsvaga vachamirira Zanu PF musarudzo, zvekushandiswa kwemapurisa pamwe nemidziyo yehurumende, mucherechedzo wekuti Zanu PF haichaziva pane muganhu webato nehurumende.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakashoropodzawo kushandiswa kwemapurisa musarudzo dzebato ravo.

Dzimwe nhengo dzeZanu PF dzakakundwa musarudzo idzi, dzakaita SaVaChristopher Mutsvangwa, dziri kushoropodzawo kushandiswa kwemapurisa musarudzo dzebato, dzichiti zvaityisidzira vavhoti.

Zvimwe zviri kubuda musarudzo dzeZanu PF idzi zvinoratidza kuti chikwata cheG40, icho chainetsana zvikuru nechikwata cheLacoste, chinonzi chakavevo nechekuita mukufambiswa kwesarudzo idzi, zvikuru kudunhu reNorton.

Vatsigiri veZanu PF vane chitsama varatidzirawo pamuzinda webato iri muHarare vachinyunyuta nekwavanoti kusafambiswa kwesarudzo nemamwe.

Asi veruzhinji vave kuti kana Zanu PF ichi kundikana kufambisa sarudzo dzayo, ingakwanisa here, sehurumende, kufambisa sarudzo dzenyika.

Mumwe wevari kunyunyuta nekushandiswa kwemidziyo yehurumende neZanu PF mutauriri weMDC, VaKurauone Chihwayi, avo vanoti chinhu chakanga chichingokatyamadza vanhu vakawanda kuti sei Zanu PF iri kushandisa mapurisa, midziyo pamwe nezvivakwa zvehurumende.

VaChihwayi vanoti zviri pachena kuti musangano weZanu PF uyu wakanga usingabhadhari mapurisa kana midziyo yavaishandisa makore ose awaishandisa midziyo yehurumende.

Nhengo yeZanu PF, vachimirira Pelandaba/Mpopoma muparamende, VaJoseph Tshuma, avo vakakunda musarudzo dzekumirira dunhu ravo, vanoti bato ravo, kuburikida nezvakataurwa nemutungamiri webato ravo VaMnangagwa, rave kuziva kuti zvinhu zvisingafanirwi kuitwa izvozvo.

Zvichakadaro, ZEC yazivisa nhasi kuti mapurisa haasi kuzoongorora sarudzo dzegore rino, asi kuti achangoita basa rawo raakapiwa nebumbiro remitemo yenyika, rekuchengetedza runyararo.

Bepanhau reHerald rinoti Sachigaro veZEC, Amai Priscilla Chigumba, vataura mashoko aya pamusangano wekudzidzisa vanhu vachadzidzisa vamwe vashandi veZEC pamusoro pekufambiswa kwesarudzo waitirwa kuMorris Depot muHarare.

Hurukuro naVaKurauone Chiwayi pamwe naVaJoseph Tshuma
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG