Hurumende yeJapan yapa rubatsiro rwemari inoita miriyoni imwechete yemadhora kumasangano anoti re United Nations Children's Fund (UNICEF) neWorld Food Program, (WFP), iyo ichashandiswa muchirongwa chekuwanisa hutano hwakanaka, kudya kunovaka muviri, kuchengetedzwa kwechikafu, uye kuwaniswa kwemvura yakachena, pekugara, nehutsanana muZimbabwe.
Chirongwa ichi chichafambiswa nemasangano maviri aya, mukuchengetedza raramo yevanoda rubatsiro, zvikuru madzimai nevana vadiki, kuburiukidza nekupindira panguva yavanengte vachida rubatsiro.
Gwaro raburitswa nemasangano maviri aya pamwe nemuzinda weJapan muZimbabwe rinoti chirongwa ichi chinotarisirwa kubatsira vanhu vanoita zana nemakumi maviri nepfumbamwe rezviuru nemazana mashanu nemakumi masere nemumwe, (129, 581).
Mumatunhu anoti Tsholotsho, Mutoko, Centenary, Mbire neMt. Darwin, chirongwa ichi chichabatsira munyaya dzemvura, pekugara pamwe nehutsanana uye kudya kunovaka muviri.
Pamusoro pezvo, kudya kunovaka muviri kuchapiwawo kumadzimai akazvitakura kuTsholotsho, Bubi, Umguza, Lupane, Hwange, Binga neNkayi.
Nyanzvi munyaya dzekuderedzwa kwenjodzi, uye vachidzidzisa paInstitute of development Studies iri pasi peNational University of Science and Technology, VaEverson Ndlovu, vanoti danho rekubatsira ratorwa neJapan iri rakakosha zvikuru, pachitariswa kutambura kunoita vanhu, zvikuru madzimai akazvitakura, uye vari kumatunhu asina kunaya mvura zvakanaka pamwe nemafashamu.
VaNdlovu vanotiwo chakanaka ndechekuti mari iyi haisi kuzoenda mumaoko ehurumende kana mapato ezvematongerwo enyika, avo vanosipomerwa mhosva yekushandisa chikafu nezvimwe zverubatsiro kuita zvematongerwo enyika.
Facebook Forum