Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri Mutsva weBotswana, VaMasisi, Votarisirwa Munyika Nhasi


Mutungamiri mutsva weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vachitoreswa mhiko.
Mutungamiri mutsva weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vachitoreswa mhiko.

Mutungamiri mutsva wenyika yeBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vari kutarisirwa kushanya muZimbabwe nhasi, murwendo rwunonzi nehurumende yeBotswana rwakanangana nekusimbaradza hukama hwenyika mbiri idzi.

VaMasisi, avo vakagadzwa kutanga kwemwedzi uno, vari kutarisirwa kuperekedzwa nemakurukota maviri, uye vanonzi vachasangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Dzimwe nyaya dzinonzi dzichakurukurwa nevatungamiri vaviri ava dzakanangana nemubatanidzwa wekuchamhembe kweAfrica, weSADC, Africa yose, pamwewo nepasi rose.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, Doctor Wangu Mazodze vanoti pari zvino hukama hweZimbabwe neBotswana hwave pakanaka, kunyange hazvo hwaimbove hwagonzo nachin’ai munguva yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, pamwe nevaivewo mutungamiri weBotswana, VaIan Khama.

Doctor Mazodze vanoti izvi zvakazoshanduka pakazopinda VaMnangagwa pachigaro, pakave nekunyevenuka kweBotswana muhukama hwayo neZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG