Accessibility links

Breaking News

Sangano reElection Resource Center Robatsira Vanoda Kunonyoresa Kuvhota


ZEC
ZEC

Senzira yekuedza kukwezva vanhu kuti vaende kunonyoresa kuvhota, sangano reElection Resource Centre rinonzi rakapaurura choringwa chekuti vanhu vakwanise kunonyoresa kuvhota.

Sangano iri rinoti vanhu vanenge vaungana nehuwandu huri pakati pevanhu vatanhatu kusvika kuvanomwe vanowaniswa motokari inovatakura kuenda kunonyoresa kuvhota kumahofisi ekanzuru ari kuna Remembrance Drive kuMbare, pamwe neimwe hofisi iri mukati meguta reHarare.

Sangano iri riri kukurudzirawo veruzhinji vanenge vachida kunyoresa kuvhota kuti vafone panhamba dzaro dzisingabhadharwi, kana kuti Toll Free, dzinoti 08080219.

Izvi zvinoitikawo panguva iyo vemasangano akazvimirira vari kukurudzira Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti ivhure imwe hofisi mukati meguta kuitira kupa vanhu mukana wekuti vanyorese vakawanda pazuva, kudarika zana rinonzi riri kunyoresa pazuva kuMbare.

ZEC yakazivisawo kuti kusvika pari zvino, vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu ane mazana mana ezviuru vanyoresa kuvhota.

Mumiriri weHarare West muparamende uye vari nhengo yeMDC-T, Muzvare Jessie Majome, vanoti vari kukurudzira vanhu vemudunhu ravo kuti vashandise mukana uyu vaende kunonyoresa kuvhota.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG