Accessibility links

Breaking News

Bato reNCA Rokurudzira Kubviswa kweZvirango


Mutungamiri webato reNCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, nemutauriri webato, VaMadock Chivasa
Mutungamiri webato reNCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, nemutauriri webato, VaMadock Chivasa

Bato reNational Constitutional Assembly, NCA, riri kukurudzira nyika dzekumawirira kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende, vachiti zvirango izvi hazvina zvazvinobatsira nzvo nyika.

Zimbabwe yakatemerwa zvirango nevekumadokera ava mushure mekutyora kodzero dzevanhu, uye kusaita sarudzo dzakachena.

Asi nyika dzekumawirira dzakatemera vamwe vakuru ava zvirango dzakaita seAmerica, dzakatozivisa kare kuti zvirango zvichabviswa chete kana hurumende yeZimbabwe yakagadzirisa zvose zvakaita kuti zvirango izvi zvivepo zvakagadziriswa.

Asi dzimwe dzenyika idzi dzakatotanga kare kubvisa zvirango izvi pane vamwe vakuru muZanu PF pamwe nemakambani ane chekuita nehurumende.

Mutauriri webato iri, VaMadock Chivasa, vanoti kunyange zvazvo zvirango izvi zvave nenguva zviripo, hapana kana shanduko iri kuchemerwa nevamwe kuti itange yaitwa yati yaonekwa.

VaChivasa vanoti hurumende inongokwanisa kuita shanduko dzose idzodzo kunyange zvirango zvisipo, vachiti hazvina basa kuti zvirango izvi zviri pavanhu vangani, zvinofanirwa kubviswa chete.

"Tiri nyika inozvitonga saka hatimiriri nyika dzekumawirira kuti dzitipe gwara rekufamba naro muZimbabwe," VaChivasa vanodaro.

Nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti vanotambira nemufaro danho reNCA iri, vachiti ndiro bato rekutanga rinopikisa rabuda pachena kuti Zimbabwe iri pasi pezvirango zvakaiswa nenyika dzekumawirira.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti zvirango hazvifanirwe kubviswa Zimbabwe isati yaita sarudzo dzakachena, sezvo kuita izvi kuri kuisa hupenyu hwevana veZimbabwe mumukanwa mamupere.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga pamwe naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG