Accessibility links

Breaking News

Masangano Akawanda Oshora Hurumende neKudzinga VanaMukoti Mabasa


Kunyange hazvo hurumende yakazivisa neChipiri kuti yakanga yadzinga basa vanamukoti vose vari pakuramwa mabasa, sangano rinomirira vanamukoti, re Zimbabwe Nurses Association rakakurudzira nhengo dzaro kuti dzisavhundutsirwe, uye kuti hapana chati chashanduka.

Sangano iri rakaburitsa gwaro nezuro richizivisa nhengo dzaro kuti rakaona mashoko akabva kumutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, ekuti vadzingwa mabasa, asi richiti nhengo dzaro dzakapinzwa basa neHealth Services Board pasi pezvibvumirano zvavakanyorerana nevashandi.

Zimbabwe Nurses Association inotiwo nhengo dzayo hadzisati dzatambira matsamba ekumiswa mabasa kwadzo, uye mari inonzi navachiwenga yakaiswa parutivi kuti vagobhadharwa inoita mamiriyoni gumi nemanomwe emadhora, imari yemisaridzirwa yavaifanirwa kunge vanamukoti vakabhadharwa muna 2010.

Sangano iri rinoti rakasununguka kuenderera mberi nenhaurirano, uye razivisa Health Services Board kuti risazadzise zviri mutsamba yavachiwenga iyi nenguva dza 4:00pm masikati anhasi musi wa 19 Kubvumbi 2018, richiti kukundikana kwazvo vanamukoti vanozoenda kudare repamusoro kuti nyaya yekuchengetedza kodzero dzavo inzwikwe nechimbichimbi.

Gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa vakaudzawo nhepfenyuro yeZBC nezuro manheru kuti vanamukoti vakadzingwa mabasa ava vakasununguka kunyorera zvakare vachitsvaga mabasa.

Asi mutauriri wesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, Dr Fortune Nyamande, vanoti havaoni hurumende ichienderera mberi nedanho rekudzinga vanamukoti vanodarika zviuru gumi nezvinomwe iyo isina dzimwe nzira dzekuzadzisa nadzo basa ravo.

Dr Nyamande vanoti hurumende inofanirwa kunzwisisa zvichemo zvavanamukoti nekukasika kuitira kuti nyika ienderere mberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mamwe masangano akaita sezimbabwe congress of trade unions, Zimbabwe Yadzoka/Mayibuye IZimbabwe, Progressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ, Federation of Zimbabwe Educators Unions kana kuti FOZEU ari kushorawo zvikuru danho rehurumende rekudzinga vanamukoti basa. ZCTU inoti iri kuronga kuratidzira kwakasimba yakabatana nemamwe masangano.

Doctor Takavafira Zhou vePTUZ vanoti hunhu hwakaitwa nehurumende hautarisirwe zvachose munyika ine rusununguko.

Doctor Victor Chimhutu ve Zimbabwe Yadzoka /Mayibuye IZimbabwe vatiwo sangano ravo rinotsigirana navana mukoti mukuramwa kwavo mabasa uye vachamira navo pamwechete nemasangano achamira mukurwisana nemaitiro ehurumende aya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG