Makakatanwa akatsemura bato rinopikisa reMDC-T kumusha, ayambukawo nyanza kuenda kuAmerica, uko kwavevo nemakakatanwa ekutungamira bato iri mudunhu reNorth America, zvichitevera kuparadzana kwaMuzvare Thokozani Khupe naVaNelson chamisa.
Vatungamiri vaviri ava vaive nemakakatanwa ekurwira kutungamira bato iri, Muzvare Khupe vachiti ndivo vanofanirwa kutungamira sezvo vakasarudzwa kukongiresi yebato iri muna 2014, ukuwo VaChamisa vachiti ndivo vanokodzera, sezvo vakasarudzwa ne National Council yebato kuti vatore chigaro chakasiiwa nemushakabvu, VaMorgan Tsvangirai.
NeSvondo manheru, dzimwe nhengo dzebato iri dziri muAmerica, dzakasarudza nhengo dzichafanobata basa kusvika gore rinouya panotarisirwa kuzoitwa kongiresi yebato iri.
Nhengo dzakasarudza hutungamiri hutsva idzi dziri kupomera komiti yagara iripo, inotungamirwa naVaDen Moyo, mhosva yekusatambira VaChamisa semutungamiri webato, ichinzi iri kutsigira chikwata chaMuzvare Khupe.
Komiti itsva yakasarudzwa iyi ichange ichitungamirirwa naVaZvidzai Ruzvidzo, avo vanove sachigaro, vachiteverwa naVaJoseph Nyamanjiwa, Doctor Wangu Mazodze vari munyori.
VaNick Mada ndivo vakasarudzwa kuve munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano, VaOwen Ndlovu vachive mubati wehomwe.
Doctor Stan Mukasa ndivo vakasarudzwa kuve munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko, kuchitiwo Amai Dinah Muzirwa, vachisarudzwa sasachigaro weboka remadzimai.
VaEdmond Musara ndivo vakasarudzwa kuve sachigaro weboka revechidiki.
Doctor Mazodze vanoti vakaumba komiti itsva iyi nemakomborero evakafanobata chigaro chasachigaro webato rose, VaMorgen Komichi, mushure mekuona kuti bato rakanga risisina hutungamiri muAmerica.
Studio 7 yakundikana kubata VaKomichi panguva yataenda pamhepo.
Asi VaDen Moyo vari kuramba kutambira kuti vakabviswa pachigaro, vachiti ivo nekomiti yavo vakasarudzwa zviri pamutemo nekongiresi, nekudaro vanofanirwa kubviswawo pachiteverwa bumbiro remitemo yebato.
Vanotiwo pagara paine vanhu vari kuda kubvuta masimba kubva pakasarudzwa komiti yavo.
Facebook Forum