Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weRENAMO, VaAfonso Dhlakama, Vanoshaya


FILE - Afonso Dhlakama, head of Mozambique's opposition party Renamo, addresses an election rally in Matola, near Maputo, Mozambique, Oct. 25, 2009.

Mutungamiri webato guru rinopikisa muMozambique, reRENAMO, VaAfonso Dhlakama, vanonzi vakashaya neChina.

VaDhlakama, avo vanga vave nemakore makumi matanhatu nemashanu ekuberekwa, vanonzi vakashayira kumba kwavo kuGorongoza muMozambique makare, kunyange hazvo chakavauraya chisati chanyatsozivikanwa.

VaDhlakama vakatungamira bato reRENAMO kwemakore makumi matatu nemapfumbamwe muhondo yebato iri yekurwisana nehurumende yeMozambique.

Iyo yakaurayisa zviuru nezviuru zvevanhu munyika iyi, pamwe nemazana evanhu muZimbabwe.

Vazhinji vevanhu vari kumuganhu kweMozambique neZimbabwe vaipota vachitizira muZimbabwe kana hondo yenyika iyi yanyanya kupisa.

Nyanzvi mune zvepamtongerwo enyika, VaFarai Maguwu, vanoti kushaya kwaVaDhlakama kunorwadza pachitariswa basa ravaibata sebato rinopikisa muMozambique, kunyangewo hazvo bato ravo rakakonzeresa kufa kwevanhu vakawanda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG