Vanhu vana vakafa muzviitiko zvaiviri zvakasiyana kuChiredzi North mudunhu reMasvingo mushure mekunge vayeredzwa nemvura vachiedza kuyambuka rwizi Mutirikwi, urwo rwunonzi rwakangozozara zvechimbi-chimbi vanhu ava vave pakati.
Dzimwe nyanzvi dzezvehutano dziri kukurudzira hurumende kuti iwedzere huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa kuona kana vaine chirwere cheCovid-19 pazuva, uye kuti hurongwa uhwu huitwe pasina muripo.
VaBhasikiti vanoti vatora danho iri nekuti havadi zvavo kushanda naVaMwonzora, vachiti zvichitevera kukunda kwavo musarudzo yekutungamira MDC-T, zvave pachena kuti MDC Alliance yave kutungamirwa naVaMwonzora nekuda kwekuti ndivo mutungamiri weMDC-T.
Danho iri rave kureva kuti VaBiden, vebato reDemocratic Party, vave kukwanisa kutoreswa mhiko yekutungamira nyika musi wa 20 Ndira gore rino pasina anopikisa.
Amai Sibanda, avo vanoshanda segweta, vanoti vakaita pfungwa yekunyora bhukuru iri nechinangwa chekuti mwana wavo ane makore maviri adzidze mitauro miviri iyi kuitira kuti asazorasikirwa nechivanhu chake.
Vagari vemudunhu reGeorgia muAmerica vari kuvhota neChipiri musarudzo yezvigaro zviviri zveseneti iri kudzokororwa, kana kuti run-off, iyo yakakosha zvikuru pakati pemapato eRepublican Party neDemocratic Party, sezvo bato richatora zvigaro zviviri izvi richave ndiro rine masimba mudare reseneti.
Mutauriri weZimParks, VaTinashe Farawu, vanoti mutumbi waVaRoy Dikinya, avo vakadonhera mugomba riri pamapopoma eVictoria Falls zuva regoredzva, wakawanikwa asi havasati vakwanisa kuutora kubva pawakadonhera.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, pamwe nevakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika vakamirira kugadzwa, VaJoe Biden, neMuvhuro vari kutarisirwa kupinda mudunhu reGeorgia kunobatsira nhengo dzemapato avo kutsvaga rutsigiro.
Bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika yose vave zviuru gumi nezvitatu zvine mazana masere nemakumi matanhatu nevanomwe, kana kuti 13 867 zvichitevera kuwanikwa kwevamwe vanhu mazana maviri nemakumi mana nevaviri, kana kuti 242 vaine chirwere ichi.
Vanhu vakawanda vanoti vanowirirana kuti gore ra2020, iro riri kusvika kumagumo pakati peusiku, igore ranga rakaomera vana veZimbabwe zvikuru sezvo riri gore rakauya chirwere cheCovid-19, icho chichiri kunetsa pasi rose.
Mumwe chiremba ari muno muAmerica uye vari chizvarwa cheZimbabwe, Doctor Simbiso Ranga, vanoti zvakakosha zvikuru kuti veruzihinji vazvipire kuwana nhomba yekudzivirira Covid-19, sezvo iri iyo chete nzira inokwanisa kuburitsa vanhu kubva mumatambudziko akonzerwa nedenda iri pasi rose.
NeMuvhuro manheru mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakazivisa kuti kutanga pakati peusiku, nyika yavo yakanga yave kudzokera pa Level 3 senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Kunyange hazvo VaTrump vakasaina bhiri iri, vari kugunun’una zvikuru vachiti mari iri kupiwa vanhu kuti vabatsirikane munguva ino ye coronavirus ishoma zvikuru mushure mekunge matare eparamende nekongiresi apasisa bhiri iri svondo rapera.
Basa rekubatsira vanoshaya chinhu chinonzi nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mudunhu reTexas muAmerica, Advocate James Bayanai, chiri muropa ravo.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munharaunda yeWashington D.C. zvakabatana zvakaumba sangano idzva rinonzi Coalition For Zimbabweans in The D.C. Area, kana kuti COZDA, iro richange richibatsira kubatanidza zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica nekune dzimwe nyika.
Mumwe wevakuru vemhuri yeVaShona iyi, VaOliver Muregerera, vanoti mumhuri ine vabereki vakabva kuZimbabwe kare kare iyi mune mufaro usiri kutambirika, sezvo vapiwa magwaro aya vasina kunge vachizvifungira.
Dare repamusorosoro remuAmerica, reSupreme Court, neChishanu rakarasa nyaya yakanga ichitsigirwa nemutungamiri wenyika VaDonald Trump yekuti dare rirase zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika, izvo zvakaratidza kuti VaJoe Biden ndivo vakakunda.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, neChishanu vadyara miti kuGoromonzi South senzira yekucherechedza zuva rekudyarwa kwemiti munyika, reNational Tree Day.
Rimwe sangano revarairidzi, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti nhengo dzaro dzakabatana nevabereki vanyorera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa gwaro renyunyuto vachinyunyuta nemabatirwo avanoti ari kuitwa bvunzo dziri kunyorwa nevana munguva ino yeCovid-19.
Vakasarudzwa semutungamiri weAmerica, VaJoe Biden nezuro vakazivisa nezvekudoma kwavo nezvevamwe vanhu vane chitsama vachatora zvigaro zvepamusoro muhurumende, kusanganisira madzimai matatu asiri echichena.
Rodhai zvimwe