Accessibility links

Breaking News

VaBhasikiti Vanosiya Nyaya dzeMatongerwo Vachidira MDC Alliance Jecha Muziso


VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora

Vanga vari nhengo yebato reMDC Alliance, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti vasiya zvematongerwo enyika zvichitevera kukunda kwakaita VaDouglas Mwonzora musarudzo yemutungamiri webato reMDC-T svondo rapera.

VaBhasikiti vanoti vatora danho iri nekuti havadi zvavo kushanda naVaMwonzora, vachiti zvichitevera kukunda kwavo musarudzo yekutungamira MDC-T, zvave pachena kuti MDC Alliance yave kutungamirwa naVaMwonzora nekuda kwekuti ndivo mutungamiri weMDC-T.

Vanoti chibvumirano chekuumba mubatanidzwa weMDC Alliance chinoti anenge ari mutungamiri weMDC-T ndiye anofanirwa kunge ari zvakare mutungamiri weMDC Alliance.

VaBhasikiti varamba mashoko ekuti MDC Alliance ibato rakazvimirira, vachiti kuratidza kuti MDC Alliance haina masimba, yakadzingwa pamuzinda webato weRichard Morgan Tsvangirai House, uye nhengo dzeparamende pamwe nemakanzura vave pasi peMDC-T sezvakaratidzwa nekudzingwa kwedzimwe nhengo nebato iri.

VaBhasikiti vanoti vakapinda muMDC Alliance nebato ravo reZimbabwe People First senzira yekuti vapinde musarudzo vakabatana nemamwe mapato aipikisa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reMDC Alliance sezvo mutauriri webato iri, Muzvare Fadzai Mahere, vanga vasiri kubatika.

Vasati vaumba bato ravo, VaBhasikiti vaimbove nhengo yeZanu PF uye vakave gurukota redunhu reMasvingo vasati vadzingwa muZanu PF, izvo zvakazoita kuti vaenda kuZimbabwe People First.

VaBhasikiti vanoti vave kumbozorora zvematongerwo enyika vachirima zvavo vari kumusha kwavo kuMwenezi.

Ngatinzweyi vachitsanangura muhurukuro yavaita naJonga Kandemiiri weStudio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG