Accessibility links

Breaking News

Vanoita Nyaya dzeMatongerwo eNyika Voita Maonero Akasiyana Pamusoro pa2020


Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa nemutungamiri wehurumende, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa nemutungamiri wehurumende, VaEmmerson Mnangagwa

Vanhu vakawanda vanoti vanowirirana kuti gore ra2020, iro riri kusvika kumagumo pakati peusiku, igore ranga rakaomera vana veZimbabwe zvikuru sezvo riri gore rakauya chirwere cheCovid-19, icho chichiri kunetsa pasi rose.

Nekuda kwedenda iri, vanhu vakawanda vakarasikirwa nemabasa raramo dzevamwe dzakashanduka zvachose.

Munyaya dzezvematongerwo enyika, mutauriri webato rinopikisa reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo vanoti 2020 rakave gore ranga rakaomera bato ravo zvikuru sezvo vakaona nhengo dzavo dzichidzingwa muparamende nemakanzuru.

Izvi zvinotevera mutongo wedare repamusorosoro reSupreme Court wekuti MDC Alliance rakanga risiri bato, asi kuti bato raicherechedzwa zviri pamutemo raive bato reMDC-T raifanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe.

VaHlatywayo vanoti 2020 vakaona nhengo dzavo dzichipambwa nevanofungidzirwa kuti vasori, kusungwa zvisina tsarukano, pamwewo nekushungurudzwa senzira yekuda kuparadza bato iri zvichikonzerwa neZanu PF.

Vanotiwo nekuda kwekutadza kutonga kweZanu PF, 2020 rakavewo gore rakaona vanhu vanoda kusvika kumamiriyoni masere vachida rubatsiro rwechikafu kuti vakwanise kusvika munguva yekukohwa muna 2021.

Asi VaHlatywayo vanoti chikuru chinongofadza ndechekuti vatsigiri vavo vakaramba vakamira nemutungamiri webato reMDC Alliance, VaNelson Chamisa pamwe neto ravo, vachiti vanotarisira kuti muna 2021 vana veZimbabwe vachatora masimba avo kuti vanongedze kunofanirwa kunge kuchienda nyika.

Asi sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira, vanoti gore ra2020 rakave gore rakabudirira zvikuru vachitarisa zvirongwa zvehurumende yavo, kunyange hazvo nyika yakasangana nechirwere cheCovid-19.

VaCharumbira vanoti hurumende yavo kuburukidza nehutungamiri hwaVaEmmerson Mnangagwa, yakakwanisa kudzivirira kupararira zvakanyanya kwechirwere ichi.

Vanotiwo hurumende yakakwanisa kugadzirisa migwagwa, kudzikamisa hupfumi hwenyika, pamwewo nekuunza chirongwa chepfumvudza, icho chavanoti chichabatsira zvikuru nekuunza goho rakanaka mwaka uno.

Panyaya yekuti bato reZanu PF rine chekuita nematambudziko akatarisana neMDC Alliance muna 2020, VaCharumbira vanoti MDC Alliance iri kuzvikanga nemafuta ayo kuburikidza nekutadza kurongeka kwayo, izvo vanoti zvichaita kuti irasikirwe nevanhu vakawanda muna 2021.

Vanoti 2021 richange riri gore rine pundutso, uye vari kufara kuti chirongwa chekurima chePfumvudza chiri kutsigirwa naNyadenga kuburikidza nekunaya zvakanaka kuri kuita mvura munyika yose.

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo pamwe naVaRegis Charumbira
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG