Dzimwe nyanzvi dzezvehutano dziri kukurudzira hurumende kuti iwedzere huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa kuona kana vaine chirwere cheCovid-19 pazuva, uye kuti hurongwa uhwu huitwe pasina muripo.
Imwe yenyanzvi idzi, uye vari chiremba vari kuBritain, Dr. Edgar Munatsi, vanoti vanhu vashoma kwazvo ndivo vanokwanisa kuwana mari yekunze inodiwa pakuvhenekwa kuona kana uine hutachiwana hunokonzera chirwere ichi, sezvo mari iyi ichibhadharwa nemadhora ekunze kwenyika.
Izvi zvinotevera kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pamwe nekufa nacho munyika zuva nezuva, zvikuru mudunhu reHarare.
Nemusi weChina bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu mazana masere nemakumi manomwe nemumwe kana kuti 871, vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19, uye vamwe gumi nevashanu, kana kuti 15 vakashaya nacho.
Bazi iri rinoti vanhu vose vakawanikwa vaine chirwere ichi vanhu vagara vari munyika, uye mazana matatu nemumwe kana kuti 301, vavo vari muHarare chete.
Huwandu hwevanhu vabatwa cheCovid-19 munyika kubva patanga chirwere ichi muna Kurume wegore rapera kusvika neChina, hwave pazviuru gumi nezvisere zvine mazana matanhatu nemakumi manomwe nevashanu, kana kuti 18 675.
Huwandu hwevanhu vafa hwakasvikawo pamazana mana nemakumi mana nevatanhatu, kana kuti 446, kuchitiwo vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vasvika pazviuru gumi nezviviri nemakumi masere nevatatu, kana kuti 12 083.
Dr. Munatsi, vanoti nekuda kwekuoma kwezvinhu munyika, havaoni vanhu vakawanda vachitungamidza mberi nyaya yekuvhenekwa hutachiwana hwe coronavirus, ivo vasina chekuisa patafura kuti mhuri dzavo dzidye kudzimba kwavo.
Nekudaro, vanoti zvakakosha kuti hurumende ivheneke vanhu vose pachena nekukasika kuitira kuti isazoremerwa nekutevera vanenge vakasangana nevane chirwere, kana kuti contact tracing.
Vanotiwo kunyange hazvo hurumende pamwe nemamwe mapoka vari kupa dzidziso pamusoro pechirwere ichi, matanho iwayo ari kudzoserwa shure nevamwe vanhu, zvikuru vemamwe makereke, avo vavanoti vari kufurira nhengo dzemakereke avo kuti dzisavhenekwe kana kutora nhomba inodzivirira chirwere ichi.
Zvipatara zvemunyika zvinonzi zvazara nevarwere veCovid-19, izvo zvave kuita kuti varwere vatsva vashaye kwekuenda.
Facebook Forum