Rimwe sangano revarairidzi, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti nhengo dzaro dzakabatana nevabereki vanyorera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, gwaro renyunyuto vachinyunyuta nemabatirwo avanoti ari kuitwa bvunzo dziri kunyorwa nevana munguva ino yeCovid-19.
Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure vanoti vana vachikoro vari kunzi vanyore bvunzo nemuna Mbudzi asi vasina kudidza zvakakwana nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Vanoti zvimwe zviri mugwaro renyunyuto iri zvinosanganisira nyaya yemihoro yevarairidzi, uye vanoti magwaro enyunyuto aya akwanisa kunyorwa mumatunhu akawanda emunyika uye achaiswa kumahofisi edzidzo mumatunhu iwayo, ayo anozoasvitsa kumahofisi emutungamiri wenyika.
VaMasaraure vanoti chavari kuda ndechekuti mutungamiri wenyika vamise bvunzo idzi dzozonyorwa gore rinouya.
Studio 7 yakundikana kubata mutauriri wemutungamiri wenyika VaGoerge Charamba kuti tinzwe kana magwaro aya atanga kusvika kumahofisi aVaMnangagwa.
Facebook Forum