Accessibility links

Breaking News

Kukwira kweHuwandu hweVanhu Vari Kubatwa neCovid-19 Kwovhundutsa veZvehutano


Para petugas medis mengambil sampel untuk tes cepat antigen dari para pengunjung di tengah pandemi virus coronca (COVID-19) di Bandung, Jawa Barat, Rabu, 30 Desember 2020. (Foto: Antara Foto/ Raisan Al Farisi via Reuters)
Para petugas medis mengambil sampel untuk tes cepat antigen dari para pengunjung di tengah pandemi virus coronca (COVID-19) di Bandung, Jawa Barat, Rabu, 30 Desember 2020. (Foto: Antara Foto/ Raisan Al Farisi via Reuters)

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika yose hwakanga hwasvika pazviuru gumi nezvitatu zvine mazana masere nemakumi matanhatu nevanomwe, kana kuti 13 867 zvichitevera kuwanikwa kwevamwe vanhu mazana maviri nemakumi mana nevaviri, kana kuti 242 vaine chirwere ichi.

Bazi iri rinoti vanhu vatatu vakafawo izvo zvakasvitsawo vanhu vafa nyika yose pamazana matatu nemakumi matanhatu nevatatu, kana kuti 363.

Vanhu vose vakawanikwa vaine chirwere ichi vanhu vagara vari munyika vasina nhoroondo yekumboenda kune dzimwe nyika.

Vanhu vakashaya vanoti mumwechete mudunhu reHarare, muwechete mudunhu reMashonaland East kuchitiwo mumwechete ari mudunhu reMasvingo.

Huwandu hwevanhu vapona kubva kuCovid-19 munyika yose hwakasvika pazviuru gumi nechimwe nemazana maviri ane makumi mashanu, kana kuti 11 250, zvichitevera kupora kwevanhu makumi mapfumbamwe nevatanhatu, kana kuti 96.

Vanhu vachiri kurwara neCovid-19 vave pazviuru zviviri nemazana maviri ane makumi mashanu nevana, kana kuti 2 254.

Vanhu vakavhenekwa nyika yose vanosvika chiuru nemazana matanhatu nemakumi manomwe nevanomwe, kana kuti 1 677.

Izvi zviri kuitika panguva iyo kwave nemhando itsva yeCovid-19 iyo inonzi yakanyuka muSouth Africa nekune dzimwe nyika, iyo inonzi inotapuriranwa nekukasika kudarika mhando yanga iripo pari zvino.

Nyanzvi mune zvehutano vari chiremba, Doctor Edgar Munatsi, vanoti kubva pakatanga zororo reKisimusi huwandu hwevanhu vave kubatwa nechirwere ichi hwakatanga zvakare kukwira, chinove chinhu chavanoti chinovhundutsa zvikuru sezvo vazhinji vachiita sevasisina han’ya nekuchengetedza mitemo inodzivivira kupararira kwehutachiwana.

Doctor Munatsi vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachipfeka mamasiki avo, kugeza maoko, uye kusaungana kuitira kuti chirwere ichi chisapedza vanhu.

Vanotiwo hurumende kana yakazofunga kutora matanho ekudzika mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu, kana kuti lockdown, inofanirwa kuisawo matanho anobatsira vanhu vanozviitira mabasa emaoko kuti vakwanise kurarama.

Zvikadaro, Johns Hopkins University Hospital, iyo iri kutevera kupararira kwehutachiwana hwe coronavirus pasi rose inoti vanhu vanodarika mamiriyoni makumi masere nematatu ane zviuru mazana mashanu nemakumi matanhatu nechimwe, kana kuti 83,561,000 vabatwa nechirwere cheCovid-19.

Vanhu vanodarika miriyoni imwechete nezviuru mazana masere nemakumi maviri, kana kuti 1,820,000 vafawo nechirwere ichi pasi rose.

America, iyo ine vanhu vakawandisa vabatwa pamwe nekufa nechirwere ichi pasi rose, yave nevanhu vanoda kusvika kumamiriyoni makumi maviri kana kuti 20 million, vanonzi neJohns Hopkins University vabatwa nechirwere ichi, uye vamwe vanodarika zviuru mazana matatu nemakumi mana nezvishanu kana kuti 345,844 vafawo nacho.

Hrukuro naDoctor Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG