Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vana Vanoyeredzwa neMuvra Vachiedza Kuyambuka Rwizi Mutirikwi kuChiredzi, kuMasvingo


Kunaya kwemvura yakawanda kuMasvingo kunonzi ndiko kwakonzera kuzara kwerwizi Mutiirikwi.
Kunaya kwemvura yakawanda kuMasvingo kunonzi ndiko kwakonzera kuzara kwerwizi Mutiirikwi.

Vanhu vana vakafa muzviitiko zvaiviri zvakasiyana kuChiredzi North mudunhu reMasvingo mushure mekunge vayeredzwa nemvura vachiedza kuyambuka rwizi Mutirikwi, urwo rwunonzi rwakangozozara zvechimbi-chimbi vanhu ava vave pakati.

Vanoona nezvemabasa ebudiriro mudunhu reChiredzi, kana kuti District Development Coordinator, VaLovemore Chisema, vazivisa kuburikidza nemashoko avaburitsa kuti vakaeredzwa ava mudzimai ane makore gumi nemasere nemwana wake ane mwedzi gumi nemumwe, musikana ane makore gumi nemana, pamwechete nemumwe ane makore manomwe.

Vamwe vanhu vana vanoti amai nevanasikana vavo vatatu vane makore gumi nematanhatu, gumi nemaviri nemumwe ane matatu, vanonzi vakapona mushure mekurasirwa pane kamwe kachitsuwa kari pakati perwizi urwu.

Vanhu ava vanonzi vakaswera musi weChina varipo kusvika vazorarapo vanhu vachikundikana kusvika pavaive vari nekuda kwekuzara kwerwizi.

Asi vanonzi vazokwanisa kubatsirwa neChishanu nemauto emuchadenga achishandisa chikopokopo.

Zvinonzi mvura yakanaya kwazvo mudunhu iri usiku hwese hweChitatu kusvika mangwanani eChina, asi rwizi Mutirikwi rwakanga rwusati rwanyanya kuzara, izvo zvakaita kuti mhuri mbiri idzi dziedze kuyambuka.

Mumiriri weChiredzi North muparamende, VaRoy Bhila, vaudza Studio 7 kuti kununurwa kwevanhu vanga vari pakachitsuwa ava kwabudirira, asi havana kuzokwanisa kutsanangura kana mitumbi yevakaedzerwa yawanikwa sezvo masaisai enharembozha yavo anga achinetsa.

Asi VaChisema vakurudzira veruzhinji kuti vasaedza kuyambuka nzizi dzizere munguva ino yekunaya kwemvura.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG