Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzopembedza Danho reSouth Africa Rekudzivirira Kupararira kweCovid-19


Mumwe mukoti achivheneka munhu kuona kana aine hutachiwana hunokonzera COVID-19 kuRichmond muSouth Africa, Dec. 18, 2020. (Photo by LUCA SOLA / AFP)
Mumwe mukoti achivheneka munhu kuona kana aine hutachiwana hunokonzera COVID-19 kuRichmond muSouth Africa, Dec. 18, 2020. (Photo by LUCA SOLA / AFP)

Dzimwe nyanzvi mune zvehutano dziri kupembedza danho reSouth Africa rekukwidziridza matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, dzichiti Zimbabwe inofanirwawo kutora danho rakadai nekukasika pachitariswa kufambafamba kunoita veruzhinji pakati penyika mbiri idzi.

Imwe yenyanzvi idzi uye vakambove gurukota rezvehutano, Doctor Henry Madzorera, vanoti danho reSouth Africa rekudzorera nyika pachinhacho chetatu, kana kuti lockdown Level 3, idanho rakakosha zvikuru sezvo richabatsira mukurwisana nedenda ranetsa pasi rose iri.

Doctor Madzorera vanoti vanotarisirawo kuti Zimbabwe ichatorawo danho rakadaro nekukasika pachitariswa kufambidzana kuri pakati pevanhu venyika mbiri idzi, zvikuru munguva ino yezororo reKisimusi negoredzva, apo vanhu vakawanda vari kubva kuSouth Africa vachipinda muZimbabwe.

NeMuvhuro manheru mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakazivisa kuti kutanga pakati peusiku, nyika yavo yakanga yave kudzokera pa Level 3 senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Pasi pemutemo mutsva uyu, kuungana kwevanhu mungave muzvivakwa kana panze hakuchabvumidzwa.

Vanhu vave kungobvumidzwa kuungana parufu chete, asi vasingadariki makumi mashanu, uye vanhu havachabvumidzwa kufambafamba pakati penguva dza 9 manheru kusvika na 6 mangwanani,

Kutengeswa kwedoro kwambomiswawo zvakare, uyewo vanhu vave kuumanikidzwa kupfeka zvinovhara miromo nemhino, kana kuti face masks.

South Africa ndiyo nyika muAfrica yose ine vanhu vakawandisa vabatwa pamwe nekufa nechirwere cheCovid-19.

Doctor Madzorera vanoti kurambidzwa kufambafamba kwevanhu muSouth Africa kunogona kubatsirawo sezvo vanhu vakawanda vanga vachingopinda nekubuda muZimbabwe zvisina tsarukano, panguva iyo nyika iyi ichinzi yave nehumwe hutachiwana kutsva hunokonzera Covid-19.

Doctor Madzorera vanoti Zimbabwe haisati yave neruzivo rwemamiriro akaita hutachiwana hutsva uhwu, uye vari kukurudzira kuvhenekwa zvakasimba kwevanhu pamiganho yekupinda muZimbabwe vachibva kunyika dzakapoteredza.

Hurukuro naDoctor Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG