Vamwe vave kushandisa nzira yekuratidzira kuburitsa kutsamwa kwavo pamusoro pekukundika kwehurumende yaVaMugabe kugadzirisa zvinhu, vamwe vachiti kana vakundikana kutonga vasiye basa.
Masangano edzisvondo akawanda achitungamirwa nekereke yeZimbabwe Devine Destiny ari kuronga kuratidzira nemusi weChina muHarare achinyunyuta nekwaanoti kuwondomoka kwaita upfumi hwenyika.
Muzvare Masarira nevamwe vavo ava vanga vachipomerwa mhosva yekukanganisa mapurisa kuita basa ravo apo vaiedza kusunga Doctor Patson Dzamara nevamwe vavaive navo muAfrica Unity Square pavairatidzira.
Sangano revarairidzi vekumaruwa, reRural Teachers Union of Zimbabwe RTUZ, rinoti ramanikidzwa kusendeka kuratidzira kwanga kuchiitwa nehutungamiri hwaro zvichitevera kuwanda kwezviitiko zvekutyisidzirwa nevasori pamwe nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF.
Musangano uyu wapindwawo nemamwe mapato mashanu ari pasi pemubatanidzwa wemapato anorwira hutongi hwejekerere weCoalition of Democrats, kana kuti CODE.
Mutongi abhadharisa VaMasaraure madhora makumi mashanu semari yechibatiso mushure mekunzwa nyaya yavari kupomerwa yekupinda nekuita misangano mudunhu reMurehwa vasina kuzivisa mapurisa.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakakurudzira vanhu kuti varatidzire murunyararo, aso kunyange hazvo vanhu vachiti vari kuratidzira murunyararo, vanoti vari kungoshungurudzwa nekutyorerwa kodzero dzavo nemapurisa.
Vanoti sangano ravo rine zvirongwa zvakawanda zvariri kuita mumatunhu akasiyanasiyana enyika, zvinosanganisira kuvaka dzimba dzine mutengo wepasi muguta reBulawayo.
Mashoko aburitswa nesangano iri anoti nhengo dzaro gumi neshanu dziri kufamba idzi dzanga dzarara pachikoro paMashambanhaka, asi dzazoshamisika dzovhurumutswa nenhengo dzevasori nhatu, izvo zvaita kuti dziputse musasa dzakananga kwaNhakiwa.
Mutungamiri wesangano iri vaObert Masaraure vanoti vamanikidzwa kunonoka kusimuka mushure mekunge vapiwa nguva dzemasikati dzekuti vakwanise kusiya gwaro ravo renyunyuto pamahofisi edzidzo edunhu reUzumba-Maramba-Pfungwe ari paMutawatawa
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC T, VaMorgan Tsvangirai vanonzi neMugovera vari kutungamira nhengo dzavo mukuratidzira kuchaitwa nebato ravo muguta reGweru senzira yekunyunyuta nekuvharwa kwakaitwa makambani mazhinji muguta iri.
Izvi zvakaburitswa mugwaro reongororo yemamiriro akanga akaita zvinhu munyika kubva mwedzi wapera waChikunguru munyaya dzezvematongerwo enyika rakaburitswa nesangano reHeal Zimbabwe Trust.
Gweta riri kumirira Muzvare Masarira nevamwe vapfumbamwe vavari kutongwa navo, VaObey Shava vanoti vapikisa danho revachuchisi iri vachiti rinoratidza kuti havana kurongeka sezvo nyaya yaMuzvare Masarira nevamwe vavo yave nenguva ichinzwikwa mudare.
Mutauriri mukuru webato reZimbabwe People First, VaJealous Mawarire vanonzi vari kudiwa kumapurisa edivi reLaw and Order nenyaya inonzi ine chekuita negurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo.
VaMugabe vanonzi vatendawo mauto nekusimudza mureza wenyika kumasangano akaita seUnited Nations uko vanonobatsira munyika dzakasiyanasiyana.
VaMugabe vanonzi vashoropodzawo zvakare Pastor Evan Mawarire ve#TagThisFlag nekutungamira kwavo kuratidzira vachiti vakakambira kurambwa kwemutemo wekurambidzwa kwekupinzwa kwezvinhu munyika kubva kunze.
Zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa zvinodarika zviuru zvishanu zvinonzi zvaungana pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa weBeitbridge zvichitaridzira zvichida kuti hurumende ibvise mutemo wekurambidzwa kwekupinzwa kwezvinhu munyika weStatutory Instrument 64 of 2016, uyo wakadzikwa gore rino.
VaMkwananzi vanoti mapepa avo avasvitsa kudare ane zvinhu gumi nezvishanu zvavari kuda kuti zvitariswe, asi chikuru pane zvose chiri chekuti VaMugabe vanofanirwa kusiya basa izvozvi nekukundikana kwavo kutonga pachitariswa zvikamu zvebumbiro remitemo, Section 50 neSection 89.
Danho rakatorwa ne national council yeMDC T neChitatu rekuvandudza bumbiro remitemo yebato iri kuitira kuti pave nevatevedzeri vemutungamiri vatatu kubva pamumwechete riri kuonekwa neveruzhinji nemaonero akasiyanasiyana.
Izvi zvabuda mumusangano waitwa nekomiti iyi muHarare, uyo unonzi wanga wakanangana nekujekesa mamiriro akaita zvinhu mubato iri mushure mekunge VaMorgan Tsvangirai vadoma VaElias Mudzuri naVaNelson Chamisa sevatevedzeri vavo, pamusoro paMuzvare Thokozani Khupe avo vagara varipo.
Rodhai zvimwe