Accessibility links

Breaking News

Mapato Anopikisa Ari muMubatanidzwa weNERA Okwenenzvera Hurongwa hweKuratidzira neChishanu


Mubatanidzwa weNERA uri kurwira kuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe
Mubatanidzwa weNERA uri kurwira kuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe

Mapato ezvematongerwo enyika gumi nematatu ari pasi pemubatanidzwa weNational Electoral Reform Agenda, kana kuti NERA, akasangana muHarare kuti akwenenzvere hurongwa hwekuratidzira kwakarongwa nemusi weChishanu.

Musangano uyu wapindwawo nemamwe mapato mashanu ari pasi pemubatanidzwa wemapato anorwira hutongi hwejekerere weCoalition of Democrats, kana kuti CODE.

Mutungamiri werimwe remapato ari muNERA, reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume vanoti musangano wavaita uyu wanga wakanangana nekuti vangashanda sei pamwe nemapato ari muCODE, pamwe nekuakoka zviri pamutemo kuti apindewo mukuratidzira kwakarongwa neNERA nemusi weChishanu.

"Tawirirana isusu kuti kuratidzira kwatiri kuita musi wa 26 kunofanirwa kuenda mberi, kechipiri, takazokurukurirana zvakare kuti vanhu vemuZimbabwe vari kutarisa ivo kuti tinge tichisongana tichikurukura nenyaya yekushanda pamwechete iri beyond issue ye electoral reform," VaNgarivhume vanodaro.

Mapato aya ari kuratidzira achida kuti hurumende ivandudze nekukasika mitemo ine chekuita nesarudzo uye kuti sachigaro weZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC, Amai Rita Makarau vasiye chigaro chimwechete pazviviri zvavainazvo, cheZEC nechimwe chiri chekuve munyori weJudicial Services Commission.

VaNgarivhume vanoti kubata kwavo semapato anopikisa kunosimba chete kana mapato ose anopikisa akashanda pamwe.

Hurukuro naVaJacob Ngarivhume
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG