Hutungamiri hwesangano revarairidzi vekumaruwa, reRural Teachers Union of Zimbabwe, RTUZ, hwatanga rwendo rwemazuva gumi rwekuratidzira huchifafamba netsoka kwemakiromita mazana maviri kubva paMutawatawa mudunhu reMaramba-Pfungwe hwakananga Harare uko huchanosiya gwaro renyunyuto.
Mutungamiri wesangano iri vaObert Masaraure vanoti vamanikidzwa kunonoka kusimuka mushure mekunge vapiwa nguva dzemasikati dzekuti vakwanise kusiya gwaro ravo renyunyuto pamahofisi edzidzo edunhu reUzumba-Maramba-Pfungwe ari paMutawatawa.
"Vamwe vedu vapinda kunosiya gwaro redu renyunyuto vazotora nguva vachibvunzurudzwa nevakuru vedzidzo, vazodaidzawo veCentral Intelligence," VaMasaraure vanodaro.
Vanoti vatyisidzirwa zvakasimba nevasori, avo vanonzi vavabvunzura kwemaminitsi anodarika makumi mana vachida kuziva kuti sei vasarudza kutanga kuratidzira kwavo vachibva mudunhu rinozivikanwa kuti ndere Zanu PF.
VaMasaraure vanoti vaudzwa nevasori ava kuti kana vachitsvaga mbiri nekuda kuonererwa vachazviwana vave kumakuva.
Asi vanoti havasi kuzodzokera shure muhurongwa hwavo hwekuburitsa zvinetswa zviri kubata varairidzi vekumaruwa, zvinosanganisira kutyisidzirwa nevezvematongerwo enyika, sezvaitika nhasi izvi.
Sangano reRural Teachers' Union of Zimbabwe rine zvichemo gumi zvinosanganisira nyaya dzemihoro yevarairidzi, mari dzekubatsirikana, kushungurudzwa kwevarairidzi vekumaruwa pamwe nekunetsa kwekuwanikwa kwemari kumabhanga.
Vanoti vachafamba vachisiya magwaro enyunyuto pamahofisi edzidzo paMurehwa, kuGoromonzi nekumahofisi ePublic Service Commission vachizoguma nekumahofisi makuru edzidzo muHarare.