National Council yebato reMDC T yavandudza bumbiro rebato kuti rikwanise kubvumidza kuvepo kwevatevedzeri vemutungamiri webato vatatu kubva pamumwechete anga aripo.
Izvi zvabuda mumusangano waitwa nekomiti iyi muHarare, uyo unonzi wanga wakanangana nekujekesa mamiriro akaita zvinhu mubato iri mushure mekunge VaMorgan Tsvangirai vadoma VaElias Mudzuri naVaNelson Chamisa sevatevedzeri vavo, pamusoro paMuzvare Thokozani Khupe avo vagara varipo.
Munyori mukuru weMDC T, VaDouglas Mwonzora vanoti izvi zvave kureva kuti kusarudzwa kwevarume vaviri ava kwave pamutemo.
"National Council yedu yakangofanana ne congress, saka takwanisa kunge tichi kwenenzvera bumbiro redu, panoda kugadziriswa pachibva pangogadziriswa," VaMwonzora vanodaro.
Mutungamiri webato iri VaTsvangirai vakanga vadoma VaChamisa naVaMudzuri sevatevedzeri vavo asi danho iri rinonzi rakatsemura maonero enhengo dzebato pakuteverwa kwebumbiro remitemo, vamwe vachiti zvakanga zvaitwa naVatsvangirai zvakanga zviri kunze kwebumbiro remitemo yebato.
VaMwonzora vanoti musangano uyu wanga wakanangana nekuzeya nyaya mbiri dzinoti bumbiro remitemo pamwe nekuti VaTsvangirai vakasvika sei pakuti vadome vamwe vatevedzeri vavo vaviri.
"Zvazvave kureva ndezvekuti iye zvino tave nebumbiro remitemo risingapokanwi naro, ndicho chekutanga. Tavevo nebumbiro ratambirwa nhasi nenational council iyo yagara secongress. Chechipiri ndechekuti mutungamiri webato atsanangura madomero aakaita vatevedzeri vake nezvikonzero zvakaita kuti atore matanho iwayo," VaMwonzora vanodaro.
Vanoti VaChamisa naVaMudzuri vachapiwa zvekuita naVaTsvangirai izvo zvichanongedza mashandiro avachange vachitarisirwa kuita.