Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Opomerwa Mhosva yeKushandisa Chisimba paVanhu Vanoratidzira


VaMartin Jemwa vakarohwa nemapurisa muHarare neChitatu
VaMartin Jemwa vakarohwa nemapurisa muHarare neChitatu

Nyaya yekushandiswa kwechisimba nemapurisa paanenge achiparadza vanhu vanenge vachiratidzira murunyararo, inonzi nevamwe inenge iri kuwedzera zvichitevera kurohwa zvakaipisisa kwevaratidziri nemapurisa musi weChitatu neChina muHarare.

Masangano akazvimirira anosanganisira reHeal Zimbabwe Trust pamwe neboka revechidiki reMDC T vakaburitsawo magwaro vachishoropodza kushandiswa kwechisimba nemapurisa mukuparadza vanhu vanenge vachiratidzira.

Mapurisa ari kupomerwawo mhosva yekusarura kuti munhu abuda mumba maani, sezvo vebato reZanu PF vachinzi havashungurudzwe kana vachiratidzira, uye vasingambodi mvumo kubva kumapurisa kana kumatare.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakakurudzira vanhu kuti varatidzire murunyararo, asi vachitwo kuratidzira uku kunogona kuguma kwoita mhirizhonga. Kunyange hazvo vanhu vachiti vari kuratidzira murunyararo vari kuchema nerekuti vari kungoshungurudzwa nekutyorerwa kodzero dzavo nemapurisa.

Mukuru wesangano reHeal Zimbabwe Trust, VaRashid Mahiya vanoti mapurisa ari kutyora bumbiro remitemo sezvo richipa vanhu kodzero dzekuratidzira.

Vanoti mapurisa anofanirwa kunge achi chengetedza vanhu vanenge vachi ratidzira ava, kwete kuvashungurudza.

Asi nhengo yeZanu PF VaGadzira Chirumhanzu vanoti kunyange hazvo vanhu vachi bvumbidzwa kuratidzira nebumbiro remitemo, dzimwe ny’any’a dziri kushandisawo mukana uyu kuparadza zvinhu nedzimotokari mumigwagwa.

Vanoti vanowirirana naVaMahiya pakuti mapurisa anofanirwa kusunga vanenge vakonzera mhirizhonga mukuratidzira, asi vanoti zvakakosha kuti mapurisa adzivirire kuparadzwa kwezvinhu kuburikidza nekurambidza kuratidzira kwacho.

Vanoti pane nzira dzakawanda chose dzinokwanisa kushandiswa nevanhu kusvitsa nadzo zvinyunyuto zvavo, dzakaita sekunyora magwaro vachinoasiya kumahofisi.

Asi VaMahiya vanoti nzira dzose idzi dzakateverwa kare asi hadzina chadzakaburitsa.

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu Pamwe naVaRashid Mahiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG