Nhengo dzemapato anopikisa mumatunhu akawanda emunyika dzinonzi dzatotanga kutambiswa chamutavanhava nevatsigiri veZanu PF, kunyange hazvo sarudzo dzichiri chinhambwe.
Izvi zvakaburitswa mugwaro reongororo yemamiriro akanga akaita zvinhu munyika kubva mwedzi wapera waChikunguru munyaya dzezvematongerwo enyika rakaburitswa nesangano reHeal Zimbabwe Trust.
Sangano iri rinoti rakataura nevanhu mumatunhu akasiyanasiyana, anosanganisira Mashonaland Central, Mashonaland East, Manicaland, neMasvingo.
Mukuru weHeal Zimbabwe Trust, VaRashid Mahiya vanoti ongororo yavo inoratidza kuti vatsigiri vemapato anopikisa anoti reZimbabwe People First neMDC T vari kutyisidzirwa pamwe nekushurungurudzwa nevatsigiri veZanu PF, vazhinji vacho vanotozvikanwa mumatunhu avagere.
VaMahiya vanoti mudunhu reMt. Darwin kuMashonaland Central, nhengo yeZimbabwe People First inonzi yakatyisidzirwa nepfuti uye kupisirwa musha nevarume vashanu, avo vanonzi vakasiya vaparadza midziyo pamwe nekutora huku dzinodarika makumi masere.
Izvi zvinonzi zvakaitikawo zvakare mudunhu reMaramba-Pfungwe, uko mumwe kanzura weZanu PF watiine zita rake ari kunzi akatenderera mumisha aine vechidiki veZanu PF achiyambira vatsigiri vemapato anopikisa kuti vaizotorerwa matanho gore rino risati rapera.
KuNyanga North, mumwe wevakarwa hondo yerusununguko anonzi akaita musangano weZanu PF muWard 5 uko anonzi akayambira kuti dunhu ravo rakanga razara nevatengesi, achinzi akakurudzira vechidiki vebato rake kuti vaumbe mabhesi, ayo anonzi nevanopiksia anoshandiswa kushungurudzira vanhu.
Asi nhengo yeZanu PF uye vachimirira Mpopoma/Pelandaba muparamende, VaJoseph Tshuma vanoti handichokwadi kuti nhengo dzebato ravo dziri kukonzera mhirizhonga.
VaTshuma vanoti sebato, vanotevera mharidzo yemutungamiri wavo uye wenyika VaRobert Mugabe yekugarisana murunyararo.
VaTshuma vanoti nhengo dzemapato anopikisa ndidzo dzinotopfeka nhumbio dzeZanu PF dzopinda muvanhu dzichi vashungurudza kuitira kusvibisa zita reZanu PF.