Vakuru vakati chakupa ronda chati nhunzi dzikudye. Chirevo ichi chinenge chave kubuda sechechokwadi pachitariswa zviri kuitika munyika iye zvino, umo zvinhu zvaita manyama amire nerongo.
Vamwe vave kushandisa nzira yekuratidzira kuburitsa kutsamwa kwavo pamusoro pekukundika kwehurumende yaVaMugabe kugadzirisa zvinhu, vamwe vachiti kana vakundikana kutonga vasiye basa.
Vamwe vairatidzira vachinyunyuta nehutongi hwaVaMugabe ndaVaItai Dzamara, avo vairatidzira nevamwe vavo muAfrica Unity Square muHarare.
VaDzamara vakatsakatika mushure mekupambwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori.
Kwakazouyawo bato reMDC T pamwe neboka remadzimai ebato iri vairova mapoto vachiti havana chekubikira mhuri.
Mushure kwakaitawo chikwata che#Tajamuka/Sesijikile, icho chaikurudzirawo kuti VaMugabe vabve pachigaro.
Panguva imwecheteyo ndipo pakauyawo Pastor Evan Mawarire neboka ravo re#ThisFlag vachiratidzirawo zvakare nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.
Vakapedzawo zvidzidzo zvepamusoro asi vasina mabasa vakaratidzirawo muHarare vachiti vanoda mabasa avakavimbiswa nebato reZanu PF panguva yesarudzo dza2013.
Svondo rino chete paita mazuva matatu akateverana ekuratidzira, kutanga vechidiki veMDC T nemusi weChitatu, kwoti vedzisvondo nemusi weChina, kuchitiwo neChishanu mubatanidzwa wemapato ezvematongerwo enyika uri pasi peNERA uri kutarisirwawo kuratidzira.
Vamwe vari kuti kuratidzira ndiyo nzira chete yekuti zvinyunyuto zvavo zvinzwikwe.
Asi vamwe vari kutiwo kuratidzira kunogona kupedzisira kwaita mhirizhonga inozoparadza midziyo nezvivakwa pamwe nekukuwadza vanhu, sezvakaitika muHarare neChitatu pakuratidzira kwakanga kwakarongwa nevechidiki veMDC T.
Asi mutauriri weMDC T VaObert Gutu vanoti kuparadzwa kwemidziyo nedzimotokari kwakaitika uku kwakaitwa nenhengo dzeZanu PF dzakapindawo mukuratidzira kwavo.
VaGutu vanotiwo mapurisa ndivo vamwe vanokonzera mhirizhonga mukuratidzira kunenge kuine runyararo, sezvo achitanga kungorova vanhu vasina mhaka.
Vanotiwo kuratidzira kwavo kunobva mubumbiro remitemo, iro rinovapa kodzero.
"Section 59 yebumbiro remutemo wenyika unove ndiwo supreme law yenyika yedu yechipikirwa yeZimbabwe, inotipa mukana wekuti kana paine chatinoda kuratidzira tinoratidzira murunyararo," VaGutu vanodaro.
Asi mumiriri wePelandaba/Ppopoma mudare reparamende vari nhengo yeZanu PF VaJoseph Tshuma, vanoti hongu bumbiro rinopa vanhu mukana iwoyu, vanhu, zvikuru veMDC T vari kukanganisa mukana uyu vachiita zvemhirizhonga.
Hapana chakashata nekuita chinhu chakadaro, asi zvatave kuona zvichiitika muno muZimbabwe handizvoba zvinotaurwa ne constitution yeZimbabwe and handizvoba zvinogadzirisa chinenge chakashata munyika yedu yeZimbabwe," VaTshuma vanodaro.