Mutungamiri wesangano reRural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure vamiswa pamberi pedare ramejasitiriri paMurehwa nemusi weChishanu vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo wePOSA kuburikidza nekuunganidza vanhu zvisiri pamutemo.
Mutongi akabhadharisa VaMasaraure madhora makumi mashanu semari yechibatiso mushure mekunzwa nyaya yavari kupomerwa yekupinda nekuita misangano mudunhu reMurehwa vasina kuzivisa mapurisa.
Gweta riri kumirira VaMasaraure, VaGift Mtisi veZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti VaMasaraure vanziwo vagare pamba pavo pachikoro cheChemhanza chiri kuWedza, vazvipire kumapurisa Chishanu choga-choga uyewo kuti vasavhiringidza vafakazi.
VaMasaraure vakasungwa nemusi weChina pamwe chete nevamwe vatungamiri vesangano ravo vanoti munyori mukuru VaRobson Chere, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa VaBlessing Makunike, vanoona nezvezvirongwa VaPride Mukono, mutauriri wesangano iri VaRobson Ruhanya, pamwe nenhengo yebhodhi Muzvare Lynnette Mudehwe vachipomerwa mhosva yekuita zvemusarinya, kana kuti criminal nuisance.
Asi VaMtisi vanoti vamwe vashanu ava vaburitswa muhusungwa vasati vamiswa pamberi pedare, mapurisa achinzi ati achavatevera kuburikidza nemasamanisi kana achivada.
"Vachuchisi vanga vasina kuisa mapepa avo in order, saka vati vari kuda nguva yekumbogadzirisa vachiti vachavatevera by way of summons, nemasamanisi," VaMtisi vanodaro.
Hutungamiri hwesangano reRTUZ hwanga hwakaronga kufamba netsoka makiromita mazana maviri mukati memazuva gumi vachi ratidzira kubva kuMutawatawa mudunhu reMaramba-Pfungwe vachienda kuHarare uko vari kuda kunosiya gwaro renyunyuto kumahofisi ebazi rezvedzidzo yepasi.
Sangano iri rine zvinyunyuto gumi zvarinoti zvinofanirwa kugadziriswa nehurumende.
Izvi zvinosanganisira nyaya dzemihoro yevarairidzi, mari dzekubatsirikana, kushungurudzwa kwevarairidzi vekumaruwa, kushaikwa kwemari mumabhanga, nyaya yezororo revarairidzi vanenge vakazvitakura, pamwe nemari dzinofanirwa kutambirwa nevarairidzi vanenge vachiri kudzidzira basa,
Asi rwendo urwu rwanga rwuchisangana nezvimhingamipinyi zvakawanda kubvira zuva rekutanga apo vakanosiya gwaro renyunyuto kumahofisi edzidzo ari paMutawatawa, apo vakatyisidzirwa nerufu nevasori.
Vakazosangana zvakare nedambudziko rekutyisidzirwa pamwe nekutorerwa chikafu chavo nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF paNyagande Primari School, uye vasori pavakanga vaoronga kuzorora vari paMashambanhaka Primary School.
Vakakwanisa kufamba neusiku kuenda paNhakiwa asi vakateverwa zvakare nevasori pamwe nenhengo dzeZanu PF avo vaiti muUzumba hamusi mekutambira sezvavari kuita zvekuda kubvisa hurumende pachigaro.
Varairidzi ava vanoti vakazokwanisa kutiza vachipinda mudunhu reMurehwa, uko vakazosungwa vasati vasvitsa gwaro renyunyuto pamahofisi edzidzo ari paMurehwa Centre.
VaMasaraure vaudza Studio 7 kuti vachatanga vagara pasi sehutungamiri kuti vaone kana zvichiita kuti vaenderere mberi nekuratidzira kwavo, sezvo ivo vanzi vange vari pamba pavo kuWedza.