Accessibility links

Breaking News

Danho reNational Council yeMDC T rekuVandudza Bumbiro Roonekwa Zvakasiyasiyana


VaNelson Chamisa naVaMorgan Tsvangirai
VaNelson Chamisa naVaMorgan Tsvangirai

Danho rakatorwa ne national council yeMDC T neChitatu rekuvandudza bumbiro remitemo yebato iri kuitira kuti pave nevatevedzeri vemutungamiri vatatu kubva pamumwechete riri kuonekwa neveruzhinji nemaonero akasiyanasiyana.

Vamwe vanoti danho iri harina zvarasiyana nezvinonzi zvagara zvichiitika mubato reZanu PF zvekuti mutemo unovandudzwa pamadiro kuitira kuti mutungamiri webato VaRobert Mugabe vakwanise kudoma vavanoda pazvigaro.

Vamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti zvakaitwa neMDC T zvinoratidza kuti kana ivo mutungamiri webato iri VaMorgan Tsvangirai havateveriwo bumbiro rebato ravo, sezvo vakatanga vadoma VaNelson Chamisa naVaElias Mudzuri sevatevedzeri vavo asi national council isati yagara ichi zeya nezvedanho iri.

Imwe nyanzvi mune zvemutemo pamwe nezvematongerwo enyika uye vari chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanotiwo MDC T yakaumbwa ichida kunzi igadzirise mhosho dzezvematongerwo enyika pamwe nekuunza hutongo hwejekerere.

Asi vanoti zvave kuitwa mubato iri ave madzanambwanana chaiwo, sezvo mutungamiri webato ari iye oga ave nemasimba kudarika bumbiro remitemo racho.

"Chinofanirwa kuti chingwarirwe zvakanyanysa ndechekuona kuti hapasi kugadzirwa here chinhu chimwechete changa chichicshandiswa naVaMugabe makore ese apfuura aya," VaMavhinga vanodaro.

Vanoti masimba akasiyana kwazvo nechigodo chesipo chinotambidzanwa mumaoko, vachiyambira bato reMDC T nekuti mangwana vachaita bembera zvakazovamukira.

Asi mutauriri weMDC T Vaobert Gutu vanoti mashoko ose aya ari kubva kuvanhu vasati vaverenga bumbiro rebato ravo, sezvo national council iine masimba ekuita izvi pakati pemisangano yekongiresi yebato.

"national council yebato pakati pemakongiresi inokwanisa kushandisa masimba aiinayo kuongorora bumbiro remitemo yemusangano, yokwenenzvera nekuvedzera zvimwe, kana kubvisa zvimwe, kana kutwasanudza," VaGutu vanodaro.

VaGutu vanoti chakangoitwa nenational council yebato ravo kukwenenzvera zvayakanga yakatambira kare.

"Kana tichiti kuvandudza, zvinoreva kuti zvakanga zvaitwa pakutanga zvakanga zvaiitwa nemazvo," vanodaro VaGutu.

Hurukuro naVaObert Gutu pamwe naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG