Vana veZimbabwe vabatana mukucheredza pamwe nekuranganira magamba akafira kusunungura Zimbabwe muhondo yeChimurenga.
Semakore ose, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vataura kumarinda emagamba ehondo yerusununguko kuNational Heroes Acre muHarare, uko vanonzi vayambira vanhu kuti vasaratidzira vachiita zvemhirizhonga, asi kuratidzira murunyararo.
VaMugabe vanonzi vashoropodzawo zvakare Pastor Evan Mawarire ve#TagThisFlag nekutungamira kwavo kuratidzira vachiti vakakambira kurambwa kwemutemo wekurambidzwa kwekupinzwa kwezvinhu munyika kubva kunze.
Vanonzi vati mutemo wekurambidza kupinzwa kwezvinhu munyika uyu wakadzikirwa kubatsira makambani emunyika kuti asatorerwa bhizimusi nezvigadzirwa zvekunze.
"Kuvabatsira ikoko, zvino yakava nyaya, hoo, zvikabva zvapindirwawo nevanonzi VaMawarire..ndivo vakabva vasvetukira nyaya yacho..zvikadaro hapana nyika pasi pano isingazvidzivirire. Ndoyatinoti dumping iyoyo…hamungade kuti mazitye apinde munyika,” VaMugabe vadaro.
Vatungamiri vesangano revakarwa hondo yerusununguko vesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association nevamwe vakarwa hondo vanonzi havana kuenda kumhemberero idzi vachinyunyuta nekubatwa kunze kwavanoti vari kuitwa naVaMugabe. Mutauriri wesangano iri VaDouglas Mahiya vati havna kuenda nekuti hapana chekupemberera.
Vemapato anopikisa kusanganisira vebato reMDC T, vanonziwo havana kuenda kumarinda uku.
Mutauriri weMDC T VaObert Gutu vanoti kunyange hazvo vasina kubatana nevamwe varangarira ropa rakadeuka muhondo kuburikidza kuti tinzwewo pamire bato ravo pazuva iri.
“Tingangodaro tisina hedu kuenda kuHeroes Acre nekumwe kwakadaro nokuti unoti ukaenda ikoko unononyombiwa, dzimwe nguva unototyisidzirwa zvekuti unotoona kuti aah, chero security yako personal security inenge yatove panguva yakaoma,” VaGutu vanodaro.
Asi nhengo yeZanu PF uye vachiongorora zvematongerwo enyika VaGadzira Chirumhanzu vanoti mashoko ataurwa naVaMugabe ekuti vemapato anopikisa havafanirwi kutora masimba nedzimwe nzira dzisiri sarudzo.
Vanotiwo nyaya dzekuratidzira nguva zhinji dzinopedzisira dzatorwa nevamwe vanenge vaine zvinangwa zvekuparadza midziyo kana kubira vanhu.
“Chinoitika ndechekuti mukuda kuratidzira imomo, tinowana kune vamwe vanenge vari genuine, vari very upright kuburitsa chinangwa chavo, asi mukati munozowana nyanya,” VaChirumhanzu vanodaro.
Vanoti nekuda kwevanhu ivava, ndosaka VaMugabe vachiramba vachiyeuchidza vanhu kuti vatanga vapiwa mvumo nemapurisa kuitira kuti mapurisa agokwanisa kuziva kuti ndiyani akanda dombo, ndiyani apwanya madomasi evanhu pamusika.