Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanopembedza Mabasa ari Kuitwa neMauto eNyika


Mukuru wemauto General Costantino Guvheya Nyikadzino
Mukuru wemauto General Costantino Guvheya Nyikadzino

Nyika yacherechedza zuva remagamba reDefence Forces Day nemusi weChipiri, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachirumbidza mabasa ari kubatwa nemauto munyika pamwe nekunze kwenyika.

Vachitaura kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare, VaMugabe, avo vangotaura kwemaminitsi gumi chete, vanonzi varumbidza mauto nekuchengetedza nzvimbo dzinokosha dzemunyika, kubatsira mukuchengetedzwa kwemiganhu yenyika pamwe nekubvisa zvimbambaira zvakasara munguva yehondo yeChimurenga.

VaMugabe vanonzi vatendawo mauto nekusimudza mureza wenyika kumasangano akaita seUnited Nations uko vanonobatsira munyika dzakasiyanasiyana.

Zuva iri rinouya panguva iyo vakuru vemauto vari kunzi vari kutyisidzira vanoratidzira pamwe nevanoshandisa dandemutande nenharembozha mukushambadza nezveshanduko mune zvematongerwo enyika.

Vagari vemuHarare vaenda kumhemberero idzi vanonziwo vati dzanga dzisinganakidzi zvichienzaniswa nemamwe makore apfuura.

Vanotengesawo zvitonhodzamwoyo vanonziwo vachemachema kuti bhizimusi ranga rakaderera.

Nyanzvi mune zvekuchengetedzwa kwenyika Doctor Martin Rupiya, vanove associate professor, Institute of African Renaisance Studies paUniversity of South Africa vanoti mashoko aVaMugabe anga achingotsinhira chete agara achitaurwa nemasangano nenyika dzakawanda pamusoro pemauto enyika.

“Aiwa, isu maonero acho pamashoko ataurwa nemutungamiri wenyika vari kutopembedza mashoko ari kupembedzwawo nevamwe vakawanda vakati kuti. African Union inofara nemasoja edu kana aching aenda kuma peacekeeping mission, SADC naiyo inofarawo, saka masoja edu kana mabataniro aakaita zvinodadisa,” Vanodaro Doctor Rupiya.

Vanoti kugadzikana kwenyika pari zvino kuri mumaoko emauto.

Vachitaurawo pamusoro pekushandiswa kwemadandemutande kana kuti social media, Doctor Rupiya vanoti chekutanga kana paine chinhu chiri kunetsa vanhu ngavagare pasi vataurirane.

Asi vanotiwo social media iyoyo pane painoseenzeswa painosvika kuti kuda inogona kupfuuridza mwero.

Hurukuro naDoctor Martin Rupiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG