Accessibility links

Breaking News

VeDzisvondo Voronga Kuratidzira Vachinyunyuta neKuwondomoka kweHupfumi


Bishop Ancelimo Magaya
Bishop Ancelimo Magaya

Masangano edzisvondo akawanda achitungamirwa nekereke yeZimbabwe Devine Destiny ari kuronga kuratidzira nemusi weChina muHarare achinyunyuta nekwaanoti kuwondomoka kwaita upfumi hwenyika.

Mukuru wekereke yeZimbabwe Devine Destiny, Bishop Ancelimo Magaya vanoti vane hurongwawo hwekunosiya gwaro kudare reparamende rino kurudzira kuti nhengo dzeparamende dzitore matanho ekumisa mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe basa nekuti vakundikana kutungamira nyika uye vakwegura.

Bishop Magaya vanotiwo vedzisvondo ava vari kukurudzirawo kuti munyika muitwe nhaurirano dzakanangana nekununura nyika kubva mumatope mairi, dzinopindwa nemapato ezvematongerwo enyika ose pamwe nevose vane chekuita nekuti zvinhu zvinake munyika.

Mamwe masangano ari kutarisirwa kupindawo mukuratidzira uku anoti rePrayer Network of Zimbabwe, Zimbabwe Pastors Fellowship, Christian Voice of Zimbabwe neChristian Alliance.

Masangano aya anonziwo achaenda kunosiya gwaro kumuzinda weBotswana uri muHarare nekukurudzira nyika iyi kuti irisvitse kusangano reSadckuti ripindire mumatambudziko akatarisana neZimbabwe.

Bishop Magaya vanoti sevemakereke, havadi mvumo kubva kumapurisa, kunyange hazvo vakavazivisa kuitira kuti vakwanise kuchengetedzwa mukufora kwavanenge vachiita.

Vanoti vakazivisawo zvakare magweta avo pamusoro pehurongwa hwavo uhwu.

Hurukuro naBishop Magaya
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG