Accessibility links

Breaking News

Muzvare Masarira Vanomiswa Zvakare muDare reDzimhosva


Muzvare Linda Masarira, veZimbabwe Women in Politics.
Muzvare Linda Masarira, veZimbabwe Women in Politics.

Murwi wekodzero dzevanhu Linda Masarira, uyo akasungwa mwedzi wapera nenyaya mbiri dzaari kupomerwa, amiswa pamberi pedare redzimhosva reMbare Magistrate Court achitongwa nenyaya yaari kupomerwa yekukanganisa mapurisa kuita basa ravo.

Asi zvinonzi nyaya iyi yanendeswa mberi kumusi wa 17 mwedzi uno mushure mekunge vachichisi vakumbira kudare kuti vanoda nguva yekuti vapedze kuongorora nyaya iyi.

Gweta riri kumirira Muzvare Masarira nevamwe vapfumbamwe vavari kutongwa navo, VaObey Shava vanoti vapikisa danho revachuchisi iri vachiti rinoratidza kuti havana kurongeka sezvo nyaya yaMuzvare Masarira nevamwe vavo yave nenguva ichinzwikwa mudare.

VaShava vanoti vakumbira dare kuti kana hurumende isina kugadzirira zvakare pachadzoka nyaya iyi mudare, dare rinofanirwa kurasa nyaya yevasungwa ava.

Vasungwa gumi ava vari kupomerwa mhosva yekuvhiringidza mapurisa kuita basa ravo apo vaiedza kusunga Doctor Patson Dzamara nevamwe vavo muAfrica Unity Square mavairatidzira.

Asi vamwe vaMuzvare Masarira vakakwanisa kunge vachipiwa mukana wekubvisa mari dzechibatiso, ivo vakanyimwa mukana uyu vachinzi vane samanisi rekukundikana kumira mudare pane imwe nyaya yavanonzi vakapara kwaMutare.

Muzvare Masarira vari kutarisirwa zvakare kudzoka kudare rimwechetero nemusi weChina vachitongwazve mune imwe nyaya yavari kupomerwa yekuita mhirizhonga pakuratidzira kwakaitika mumusha weMufakose nemusi wa 6 Chikunguru gore rino.

Hurukuro naVaObey Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG