Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanoratidzira kuBeitbridge Vachiramba Mutemo weKurambidzwa kweKupinzwa kweZVinhu Munyika


Vanhu vakawanda varatidzira kumuganhu weZimbabwe neSouth Africa vachiramba Statutory Instrument 64 of 2016. (Photo: Courtesy Image)
Vanhu vakawanda varatidzira kumuganhu weZimbabwe neSouth Africa vachiramba Statutory Instrument 64 of 2016. (Photo: Courtesy Image)

Zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa zvinodarika zviuru zvishanu zvinonzi zvaungana pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa weBeitbridge zvichitaridzira zvichida kuti hurumende ibvise mutemo wekurambidzwa kwekupinzwa kwezvinhu munyika weStatutory Instrument 64 of 2016, uyo wakadzikwa gore rino.

VaDenis Juru, vanove mutungamiri werimwe remasangano apinda mukuratidzira uku reInternational Cross Border Traders Association, vanoti hurongwa hwavo hwambovhiringidzwa nemapurisa pamwe nemauto enyika yeSouth Africa pavatanga kuungana panzvimbo yeChina Mall iri kuMusina.

Asi vanoti vazobudirira sezvo vazokwanisa kuenda kuBeitbridge uko vazotaura nevanhu vanga vaunganako.

VaJuru vanoti vashamiswa nedanho remapurisa rekuvarambidza kuungana sezvo vakanga vanyorera tsamba kukanzuru yeMusina vachiizivisa nezvehurongwa hwavo uhwu.

"Takakumbira mvumo kumapurisa vakatizivisa kuti since taiiungana pa private property (paChina Mall) taifanirwa kunyorera kanzuru tsamba tichivazivisa, zvinove zvatakaita, saka tazoshamisika toona mapurisa nemasoja vachiti vanhu parararayi," VaJuru vanodaro.

VaJuru vanoti ivo vambosungwa nemapurisa muchiitiko ichi uye vachaenda kunozvipira kukamba yemapurisa vachiperekedzwa nemagweta avo.

"Saka tangomirira kuti magweta edu kana auya tobva taenda kumapurisa, zvekuti izvozvi vari kufona vachiti uyai tibva tangozvipedza. Asi ini ndati handingaendi ndoga nekuti magweta ndiwo anonzwisisa mutemo wacho uye kuti tautyora papi."

Vanotiwo mashoko avari kutambira kubva kune mimwe miganhu yakaita sePlumtree anoratidza kuti kunyange hazvo vanhu vasina kuungana vachiratidzira, vatambira kurudziro yavo yekuti vasashandisa miganhu iyi.

VaJuru vanoti vacharamba vachienderera mberi nekuratidzira uku kudzamara zvinyunyuto zvavo zvanzwikwa.

Hurukuro naVaDenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG