Mudare iri makamboita kunge maive nepwere apo VaTrump vasina kutambira kukwaziswa kwavakaitwa nemutauriri weHouse of Representatives, Amai Nancy Perosi, ukuwo Amai Perosi vakaonekwawo vachibvarura gwaro raive nemashoko aitaurwa naVaTrump.
Gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo, vazivisa kuti munyika mave nevanhu vanosvika makumi manomwe nemakumi mana nemumwe vari kuongororwa kana vaine hutachiwana hwe coronavirus vanonzi vakabva kunyika dzine dambudziko rechirwere ichi
Vachichingamidza nhengo dzeparamende pamwe nemaseneta vanga vari kudare, mudzimai wavo, pamwe nezvizvarwa zveAmerica zvose, VaTrump vati mukati menguva pfupi vakakwanisa kuparadza maonero ekuti America iri kudzikira uye varamba kudzikisirwa kweremangwana reAmerica..
Vashoma vanenge vasingade kupedza nguva vari mumitsetse ndivo vanonzi vanongonanga kumisika mitema, uko upfu uhwu, zvikuru hwe roller meal, huri kuwanikwa nyore asi huchitengeswa nemutengo wakapetwa kaviri pane mutengo unofanirwa kunge uchitengeswa nawo muzvitoro.
Dare re Constitutional Court muMalawi nezuro rakarasa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa gore rapera muna Chivabvu richiti paive nezvakawanda zvinoratidza kuti sarudzo iyi haina kuitwa nemazvo.
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti sevashandi vanofara kuti pave nehwaro hwekuti nhaurirano pakati pevashandi, vashandirwi nehurumende dzive pamutemo, sezvo kwemakore makumi maviri adarika TNF yanga ichishanda zvisiri pamutemo.
Vachizivsa nezvedanho iri, mukuru wesangano iri, Doctor Tedros Adhanom Ghebreyesus vakati chikonzero chikuru chaita kuti vatore danho iri hachisi pamusoro pezviri kuitika muChina kwete, asi zviri kuitika mune dzimwe nyika.
Vamwe vagari vemunyika vanonzi vave kugara vakabatira ura mumaoko vachitya kuti chirwere chanetsa kuChina che coronavirus chingangopinda munyika sezvo paine kufambidzana kwakanyanya kwevanhu pakati penyika mbiri idzi.
Chimwe chinonzi chakatadza kuwiriranwa yaive nyaya yekuti mari idzi dzotambiriswa vashandi kubva mwedzi upi sezvo hurumende ichinzi yaida kuti itange kupa vashandi vayo mihoro mitsva iyi muna Kukadzai, asi vashandi vachida kuti vatange kutambiriswa mari idzi mwedzi uno waNdira.
Vanotevera zvemitambo pasi rose vari kuchema zvichitevera kushaya kweaive mutambi we basketball wekuAmerica ane mukurumbira, Kobe Bryant mutsaona yekudonha kwechikopokopo mumakomo ari kunze kwe Los Angeles.
Zvinonzi hupfu, zvikuru hwe roller meal, uhwo hurumende iri kubatsira vanogaya kuburikidza nekuvapa mari, kana kuti subsidies, kuitira kuti vagozohutengesa nemutengo uri pasi, huri kushaikwa muzvitoro umo hunofanirwa kutengeswa nemutengo unokwaniswa neveruzhinji.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vari kukurudzira kuti mauto ange achipindawo munhaurirano dzekugadzirisa matambudziko ari munyika, vachiti izvi zvinobatsira zvikuru kana mauto aine zvaanotyira.
Sangano iri rinoti mhosva idzi, idzo dziri kunyanya kuparwa mumisha yeHillbrow, Berea neYeoville uko kunogara zvizvarwa zvekune dzimwe nyika kusanganisira Zimbabwe zvakawanda, dzinosanganisira dzekubvuta, kubata kwiyo, kubaya nemapanga pamwe nekuponda.
Dare iri rine nhengo zana, makumi mashanu nenhatu dziri dzebato riri kutonga reRepublican Party, makumi mana neshanu dziri dzebato rinopikisa reDemocratic Party kuchitiwo nhengo mbiri dzakazvimirira. Nhengo dzose dzedare iri dziri dzinofanirwa kunge dziri mudare iri.
Imwe yendege mbiri dzerudzi rweBoeng 777-200 dzakatengwa nehurumende kubva kuMalaysia muna 2016 yasvika munyika apo yamhara panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International masikati.
Sangano iri rinoti mari iyi ichabatsira mukuwanira vanhu chikafu, kuwanikwa kwehutano, mvura yakachena, uyewo kubatsira mukudzivirira mamwe matambudziko anokonzerwa nekusawanikwa kwechikafu.
VaMoyo vanonzi vakataura mashoko aya pamusangano wavakaitwa svondo rapera nevamwe vechidiki, we “Road to Davos”, uyo unonzi waive wekutarisa gadziriro yemusangano mukuru weDavos, uyo uchaitwa mwedzi uno kuSwitzerland.
Aka kave kechitatu VaMnangagwa, avo vari pazororo remasvondo matatu, vachimbosiya zororo ravo vachienda kunoita basa remutungamiri wenyika kunyange hazvo mumwe wevatewedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga, vari ivo vakafanobata matomu.
Musangano uyu, uyo wapindwawo nemutewedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo pamwe negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, unonzi wanga wakanangana nekusimbaradza kudyidzana pakati penyika mbiri idzi.
VaWang, avo vakashanyirawo Egypt, Djibouti, Eritrea neBurundi, vari kutarisirwa kuve munyika kwemazuva matatu, uye neMuvhuro vari kutarisirwa kusangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, avo vari pazororo ravo repagore.
Rodhai zvimwe