Accessibility links

Breaking News

Vezvematongerwo eNyika Vozeya Mashoko aVaChamisa Pamusoro peMauto muNhaurirano


Vakuru vemauto, kusanganisira mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanonzi vakapika kuti havazofi vakasaruta munhu asina kuenda kuhondo.
Vakuru vemauto, kusanganisira mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanonzi vakapika kuti havazofi vakasaruta munhu asina kuenda kuhondo.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vari kukurudzira kuti mauto ange achipindawo munhaurirano dzekugadzirisa matambudziko ari munyika, vachiti izvi zvinobatsira zvikuru kana mauto aine zvaanotyira.

VaChamisa vakataura mashoko aya kumusangano wavakaita nevatsigiri vavo kuMbare neChipiri apo vaizivisa nyika nezvehurongwa hwebato ravo mugore rino ra 2020.

Asi mashoko aya anonzi asimudza mutauro nemaonero akasiyanasiyana, vamwe vachiti mauto haafanirwe kupindira mune zvematongerwo enyika, kuapinza munhaurirano kunenge kutori kutyora bumbiro remitemo yenyika.

Asi vamwe vanoti mauto agara achipindira mune zvematongerwo enyika, vachipa muenzaniso wekubviswa kwevaive mutungamiri wenyika, mushakabvu Robert Mugabe, pachigaro muna 2017 nemauto.

Vamwe vakambove vakuru vemauto kusanganisira vave mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga vakatozivisa kare kuti havazombofi vakasaruta munhu anenge asarudzwa kuve mutungamiri wenyika asina kuenda kuhondo.

Munyori anoona nezvesarudzo muMDC, VaJacob Mafume, vanoti hapana chakaipa kuti mauto apindewo munhaurirano sezvo agara achipindira mukusarudzwa kwevatungamiri vezvematongerwo enyika.

VaMafume vanoti zviri mubumbiro remitemo yenyika zvekuti mauto anopindira mune zvematongerwo enyika achichengetedza bumbiro, sezvaakaita muna 2017 paakaona kuti bumbiro remitemo yenyika riri kutyorwa naVaMugabe.

Vanoti nekuda kwaizvozvo, vanofanirwa kutaurwa navo kuitira kuti panzwisiswe kuti chii chinoita kuti vange vachipindira.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu ,vanoti zvinoshamisa kuti VaChamisa vakanga vachiramba kupinda munhaurirano, asi iye zvino vave kuda kuchiita nhaurirano nemauto.

VaChirumhanzu vanoti kana VaChamisa nebato ravo vave kuda kupinda munhaurirano vanofanirwa kupinda muPOLAD mune mamwe mapato ezvematongerwo enyika votaura zvavari kuda imomo, kwete kutaura vari pamusangano nevatsigiri vavo.

Hurukuro naVaJacob Mafume pamwe naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG