Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanosangana neNhumwa yeMutungamiri weChina, VaWang Yi


President Emmerson Mnangangwa Announces Robert Mugabe's Death 2
President Emmerson Mnangangwa Announces Robert Mugabe's Death 2

Gurukota reChina rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaWang Yi, avo vakapinda munyika neMugovera manheru, vasangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa kumuzinda weState House muHarare.

Musangano uyu, uyo wapindwawo nemutewedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo pamwe negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, unonzi wanga wakanangana nekusimbaradza kudyidzana pakati penyika mbiri idzi.

Musangano uyu unonzi wakurukurawo nezvezvirongwa zvebudiriro zvinonzi zviri kuitwa neChina ichibatsira hurumende yeZimbabwe.

Zvirongwa izvi zvinosanganisira zvivakwa zvakaita separamende itsva iri kuvakwa neChina, gwenya remagetsi reBatoka Hydro-Electric, iro rinonzi riri kuvakwa pakati peZambia neZimbabwe pasi pemushandirapamwe weSino-Hydro neGeneral Electric yekuAmerica uyewo kugadzirwa kwemigwagwa pamwe nekubatsira nechikafu, kunyanya mupunga.

Zimbabwe inonzi yasvitsawo chikumbiro chekuti China iibatsire nemari yezvirongwa zvitanhatu pasi peRoad and Belt Initiative, icho chinonzi chiri kushandiswa neChina mukubatsira nyika dzemuAfrica

Rwendo rwaVaWang urwu rwanga rwuri rwekupedzisira rwekushanyira nyika shanu dzemuAfrica dzinosanganisira Egypt, Djibouti, Eritrea neBurundi.

VaMnangagwa, avo vari pazororo ravo repagore, vambosiya zororo iri kuti vasangane nemuenzi anonyarikana uyu, uyo anonzi inhumwa yemutungamiri weChina, VaXi Jingpin.

Nhengo yeboka revechidiki muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti rwendo rwaVaWang rwakakosha zvikuru sezvo rwuchisimbaradza hukama pakati penyika mbiri idzi.

"Chazvinongotiratidza ndechekuti China inyika iri kuzvipira pakubatsira nyika yeZimbabwe nezvakawanda. Ndofunga munorangarira kuti kubva magetsi edu ekuKariba kuti awedzerwe iChina yanga ichipindira Ku resuscitator kana kusimudzirwa kwemadhamu kana kugadzirwa kwemamwe iChina yanga ichiita izvozvo," VaMugwadi vanodaro.

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, Muzvare Gladys Hlatywayo, vanotiwo rwendo rwaVaWang rwakakosha, asi panofanirwa kuve nekujeka kuti zvii zvinenge zvakurukurwa nekuwiriranwa pakati penyika mbiri idzi.

"Chandinoona chinonyanyoitika ndechekuti panenge pachitaurwa nyaya dzema mega deals apa hadzinyatsoburitswa pachena nekuti nyaya dze investments, nyaya dzezvemabhizimusi, trade nezvimwe zvinhu zvakaita saizvozvo zvinofanirwa kunyatsokuburitswa pachena," Muzvare Hlatywayo vanodaro.

Hurukuro naMuzvare Gladys Hlatywayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG