Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Vopa Maonero Avo Pamusoro peKurudziro Yekuti Vatore Mabasa eKumusha.


Gurukuro rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo. VaMoyo vanonzi vari kukurudzira vari kunze kwenyika kuti vadzoke kunoshanda kumusha.
Gurukuro rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo. VaMoyo vanonzi vari kukurudzira vari kunze kwenyika kuti vadzoke kunoshanda kumusha.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vanonzi vari kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti zvinyorerewo mabasa anenge achishambadzwa kumusha kuitira kuti zvigoenda kunosimudzira nyika kuburikidza nehunyanzvi hwazvakawana kunze kwazvigere.

VaMoyo vanonzi vakataura mashoko aya pamusangano wavakaitwa svondo rapera nevamwe vechidiki, we “Road to Davos”, uyo unonzi waive wekutarisa gadziriro yemusangano mukuru weDavos, uyo uchaitwa mwedzi uno kuSwitzerland.

Asi chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kunze kwenyika, Doctor Victor Chimhutu, vo vanodzidzisa paBergen University ku Norway, vanoti hurumende inofanirwa kutanga yagadzirisa zvinhu zvakawanda zvinosanganisira zvikonzero zvakaita kuti vanhu vabude munyika pakutanga.

Doctor Chimhutu vanoti hurumende inofanirwa kutorawo matanho ekuona kuti kodzero dzevanhu dzachengetedzwa vanhu vasati vasiya mabasa avo kunze vachidzikora kumusha.

Vamwewo ndivo vanoti hurumende haifanirwe kukwezva vanhu kuti vadzokere kumusha iyo ichiziva kuti hakuna mabasa. Vanoti zvikamu zvinosvika makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana hazvina mabasa, uye vashandi vehurumende vachiri pamabasa vari pakuramwa mabasa.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kunze kwenyika zvinoti zvinoda kwazvo kudzokera kumusha, asi hurumende inofanirwa kutanga yazvivimbisa kuti kana zvakasiya mabasa azvo zvinonokwanisa kuraramawo zvakanaka kumusha, kwete kungokurudzira vanhu asi vachizosvikopinda mumukanwa mamupere.

Hurukuro naDoctor Victor Chimhutu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG