Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Votarisirwa Kusangana neVamiriri veHurumende Kuzeya Gakava reMihoro


Vashandi vehurumende vachiratidzira muguta reHararel Harare muna 2010. Vashandi vehurumende vagara gore negore vachinetsana nemushandirwi kuti vawedzerwe mihoro inoita kuti vakwanise kurarama.

Vamiriri vevashandi vehurumende vari pasi pesangano reApex Council vari kutarisirwa kusangana zvakare mangwanani ano nevamiriri vehurumende pamusangano weNational Joint Negotiating Council, uyo unotarisirwa kugadzirisa gakava renyaya dzemihoro.

Mapoka maviri aya akasangana zvakare svondo rapera neChishanu, asi musangano uyu unonzi hauna chawakaburitsa mushure mekunge vashandi varamba kutambira zvakanga zvaiswa patafura nehurumende, izvo zvinonzi zvaizosiya mushandi anotambira muhoro wepasi achitambira mihoro iri pakati pemadhora zviuru zviviri nemazana maviri nezviuru zvitatu nemazana mashanu zvemadhora emunyika pamwedzi.

Munyori mukuru musangano reApex Council VaDavid Dzatsunga vanoti vanotarisira kuti musangano weMuvhuro uyu uchagadzirisa zvichemo pamwe nekutambura kwevashandi vehurumende.

VaDzatsunga, avo vasina kuda kubuda pachena kuti hurumende yakanga yakapfumateyi pavakasangana svondo rapera, vanoti hurumende yakanga yadzoka yakwidza zvishoma zvayaive nazvo kubva pamusangano wavakanga vamboita asi vakada kutanga vambonzwa kubva kunhengo dzavo vasati vaita zvemusoro wavo.

Chimwe chinonzi chakatadza kuwiriranwa yaive nyaya yekuti mari idzi dzotambiriswa vashandi kubva mwedzi upi sezvo hurumende ichinzi yaida kuti itange kupa vashandi vayo mihoro mitsva iyi muna Kukadzai, asi vashandi vachida kuti vatange kutambiriswa mari idzi mwedzi uno waNdira.

Pari zvino vashandi vehurumende havasi kuenda kumabasa mazuva ose, vachiti havachakwanisa kuti vange vachiwana mari dzekufambisa.

Mwedzi wapera hurumende yakavapa mari dzekubatsirikana dzaisvika kumadhora mazana manomwe, asi VaDzatsunga vanoti hadzina zvikuru zvadzakavabatsira nazvo sezvo vashandi vagara vanyura mumadhaka nekuda kwenhamo.

Vashandi vehurumende vagara gore negore vachinetsana nemushandirwi kuti vawedzerwe mihoro inoita kuti vakwanise kurarama, ukuwo hurumende ichiti homwe dzayo dzakabooka.

Hurukuro naVaDavid Dzatsunga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG