Accessibility links

Breaking News

Dare reSeneti muAmerica Rotanga Kutonga Mutungamiri weNyika, VaDonald Trump


Mutungamiri weAmerica VaDonald Trump
Mutungamiri weAmerica VaDonald Trump

Kutongwa kwemutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Turmp, panyaya mbiri dzavari kupomerwa dzekushandisa hofisi yavo zvisizvo pamwe nekuzvidza paramende, kwatanga mudare reseneti.

Dare iri rine nhengo zana, makumi mashanu nenhatu dziri dzebato riri kutonga reRepublican Party, makumi mana neshanu dziri dzebato rinopikisa reDemocratic Party kuchitiwo nhengo mbiri dzakazvimirira. Nhengo dzose dzedare iri dzose dzinofanirwa kunge dziri mudare iri.

Mutongi mukuru wematare muAmerica, Chief Justice John Roberts, ndivo vari kutungamira dare iri sasachigaro waro, vachibatsirwa nemaseneta aya, ayo anenge achishandawo sevatongi.

Mutauriri wedare reseneti, VaMitch McConnell, vebato reRepublican Party rinovewo zvakare bato raVaTrump, vakazivisa nezvemitemo ichatevedzwa mukutongwa kwenyaya idzi.

Dare iri rinotarisirwa kutora nguva sezvo pachitarisirwa kuti mativi ose ari maviri aine nguva yakareba inosvika maawa makumi maviri nemana ekupa humbowo hwawo, izvo zvinonzi zvinogona kuita kuti nyaya idzi dzitongwe pakati peusiku.

Asi veruzhinji vari kushoropodza danho rinonzi rakatorwa nebato reRepublican Party rekuti nyaya idzi dzitongwe vanhu varara.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paMalone University iri kuOhio muAmerica, Doctor Moses Rumano, vanoti vanoona kunge hurongwa hwekuendesa VaTrump kudare uhwu hwakanaka sezvo zvichiratidza kuti hapana ari pamusoro pemutemo muAmerica.

Doctor Rumano vanoti izvi zvinofanirwawo kunge zvichiitwa nenyika dzakaita seZimbabwe neAfrica yose zvekuti hapana anofanirwa kunge ari pamusoro pemutemo.

"Zimbabwe neAfrica ine zvizhinji zvainodzidza pane zviri kuitika izvi. dai zvakadaro pasi rese zvinotiitira zvakanaka kuti hapanaba mutungamiri ari pamusoro pemutemo wenyika, mutemo wenyika ndiwo uri pamusoro pemutemo wenyika. Mutemo wenyika ndiwo uri pamusoro, ndounofanirwa kushandiswa kutungamira nyika dzese," Doctor Rumano vanodaro.

Hurukuro naDoctor Moses Rumano
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG