Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kuongororwa Hutachiwana hweCoronavirus Munyika Hunoramba Huchikwira


Gurukota Rezveutano vaObadiah Moyo Vanoti Hurumende Inogona Kungopa Vashandi Mari Inenge Yakatarwa Mubhajeti
Gurukota Rezveutano vaObadiah Moyo Vanoti Hurumende Inogona Kungopa Vashandi Mari Inenge Yakatarwa Mubhajeti

Gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo, vazivisa kuti munyika mave nevanhu vanosvika makumi manomwe nemakumi mana nemumwe vari kuongororwa kana vaine hutachiwana hwe coronavirus vanonzi vakabva kunyika dzine dambudziko rechirwere ichi.

Dandemutande reTwitter rebazi rezvehutano razivisa kuti VaMoyo vataura mashoko aya pamusangano wemapazi akasiyanasiyana wekutarisa nezvegadziriro iripo pakudzivirirwa kwechirwere ichi kuti chisapararira munyika.

Kanzuru yeguta reHarare inonzi yasarudzawo zvipatara zviviri zvinoti Wilkins neBeatrice Infectious Disease Hospital senzvimbo dzichashandiswa mukudzivirirwa kwechirwere ichi.

Coronavirus inonzi yauraya vanhu vanosvika mazana mana nemakumi maviri nevanomwe muChina chete, kuchitiwo mumwe chete kunze kweChina, kunove kuPhilippines.

Vamwe zviuru makumi maviri nemazana manomwe nevana vanonzi vabatwawo nechirwere ichi muChina chete.

Studio7 yakundikana kubata gurukota rezvehuutano Doctor Moyo kuti tinzwe zvizhinji panyaya iyi. Asi gurukota iri rakaudza Studio7 mukupera kwesvondo kuti bazi raro rakagadzirira kurwisana nehutachiwana uhwu.

Vakambove gurukota rezvehutano, uye vari munyori wezvehutano muMDC, Doctor Henry Madzorera, havaone sekunge hurumende yakagadzirira zvakakwana mukudzivirira hutachiwana uhwu sezvo vasati vambonzwa kana pave nevashandi vakadzidziswa kurwisana nedambudziko iri.

Doctor Madzorera vanoti panofanirwa kutorwawo matanho akasimba ekuongorora vanopinda vachibva kunyika dzine chirwere ichi, pachiitwawo zvakare matanho ekuvarambidza kupinda muvanhu sezvo chirwere ichi chiri nyore kuparadzirwa muvanhu.

Hurukuro naDoctor Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG