Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reKushaikwa kweUpfu Rinonzi Riri Kutowedzera Munyika


Upfu hunonzi huri kuramba huchinetsa kunyange hazvo pave nekomiti yekuona nezvekufambswa kwahwo.
Upfu hunonzi huri kuramba huchinetsa kunyange hazvo pave nekomiti yekuona nezvekufambswa kwahwo.

Dambudziko rekushaikwa kweupfu rinonzi riri kutowedzera munyika, vanhu vachiswera kana kurara vari mumitsetse pazvitoro zvinotengesa upfu.

Vashoma vanenge vasingade kupedza nguva vari mumitsetse ndivo vanonzi vanongonanga kumisika mitema, uko upfu uhwu, zvikuru hwe roller meal, huri kuwanikwa nyore asi huchitengeswa nemutengo wakapetwa kaviri pane mutengo unofanirwa kunge uchitengeswa nawo muzvitoro.

Mumwe mugari wekuChecheche, kuChisumbanje, uye vari mukuru wesangano rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vanoti vakawanda vave kurara vakagarira upfu pane chimwe chitoro chikuru chiri mudunhu iri.

Asi vanoti dambudziko guru nderekuti vanotengesa pamusika mutema ndivo vanozopedzisira vawana upfu hwakawanda uhwo vanozotengesa nemutengo usingakwaniswe nevakwanda.

VaMadhuku vanoti kana hupfu uhwu huchiuya muchitoro chikuru ichi, tsapo yehuremu hwemakirogiramu gumi inofanirwa kunge ichiita madhora emunyika makumi mashanu, sezvo hurumende ichibatsirawo pamutengo apa.

Vanoti kana hwave kutengeswa panze pechitoro hunenge hwapetwa mutengo kaviri zvekuti tsapo yemakirogiramu gumi iyi inenge yave kuita madhora ari pakati pemakumi masere nemadhora zana.

Zimbabwe svondo rapera chete inonzi yakatenga chibage chinosvika matani zviuru gumi nezvitanhatu kubva kuSouth Africa mukuedza kwayo kugadzirisa dambudziko rekushomeka kweupfu munyika.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti dambudziko iri richaramba riripo kwenguva sezvo kusanaya kwemvura zvakanaka kuri kubatawo dunhu rekuchamhembe kweAfrica, kusanganisira nyika dzinombotengeserawo Zimbabwe chibage, dzakaita seSouth Africa neMalawi.

Hurumende mwedzi wapera yakaumba komiti inoona nezvekutengeswa zviri pachena kweupfu muzvitoro, asi vakawanda vanoti havaoni kushanda kwekomiti iyi sezvo hupfu huri kuramba huchingonetsa kuwana, uye musika mutemo uchitosimukira.

Asi nhengo yeZanu PF uye vari muzvinabhizimusi, VaGilbert Muponda vanoti komiti iyi iri kushanda asi kuti vanhu vari kutarisira zvakawanda nekukasika.

Doctor Chitambara vanoti kuti dambudziko iri rigadziriswe, hurumende inofanirwa kutora matanho, kwete ekungoona kuti hupfu hwafambiswa sei muzvitoro, asi kuti inofanirwa kuchengetedza chibage chakawanda mumatura ayo chinomirira nguva yematambudziko yakaita seino.

Kusvika pawanikwa imwe nzira yekuti nyika iwane chibage, Zimbabwe icharamba ichitenga chibage kubva kunyika dzayakawakidzana nadzo dzakaita sesouth Africa, pamwe nedziri kure dzakaita seMexico neUkraine, uko kuri kubva chibage chiri kudyiwa munyika pari zvino.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG