Dare re Constitutional Court muMalawi nezuro rakarasa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa gore rapera muna Chivabvu richiti paive nezvakawanda zvinoratidza kuti sarudzo iyi haina kuitwa nemazvo.
Dare iri rakatiwo sarudzo iyi inofanirwa kuitwa zvakare mukati memazuva zana nemakumi mashanu, richiti rinovimba kuti mutongo warakapa uyu hauzoparadzi nyika iyi.
Mutongo uyu unotevera nyaya yakakwidzwa nevatungamiri vaviri vemapato anopikisa avo vakanyunyuta vachiti sarudzo iyi yakanga yabiridzirwa nemutungamiri wenyika iyi, VaPeter Mutharika, avo vakasarudzwa zvakare kuve mutungamiri wenyika, vachikunda vaivatevera VaLazarus Chakwera nemavhoti mashomashoma. Mutongo uyu uyu unonzi unogona kupikiswa kudare reSupreme Court.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari mudzidzi paHoward University muWashington D.C, VaCalvin Manduna vanoti mutongo uyu hauna kungonakira vana veMalawi chete, asi kuti wakanakirawo zvizvarwa zvese zvedunhu reSADC, umo munowanzoita vanopikisa vanokwikwidza zvinenge zvabuda musarudzo vachiti dzinenge dzabirirwa.
Facebook Forum