Accessibility links

Breaking News

Shasha yeMutambo weBasketball, Kobe Byrant, Inoshaya muTsaona yeKudonha kweChikopokopo


Kobe Bryant ashaya ave nemakore makumi mana nerimwe ekuberekwa.

Vanotevera zvemitambo pasi rose vari kuchema zvichitevera kushaya kweaive mutambi we basketball wekuAmerica ane mukurumbira, Kobe Bryant mutsaona yekudonha kwechikopokopo mumakomo ari kunze kwe Los Angeles.

Bryant pamwechete nemwanasikana wake ane makore gumi nematatu ekuberekwa ndevamwe vevanhu vapfumbamwe vashaya mutsaona iyi.

Boka remapurisa emuLos Angeles rinoti chikopokopo chauraya Bryant nevamwe vake chadonha muCalabasas, mudunhu reCalifornia, makiromita makumi matanhatu nemashanu kumaodzanyemba kwakadziva kumawirira kweguta iri.

Mapurisa haana kuzivisa kuti chii chakonzera kudonha kwechikopokopo ichi, kusanganisira kuti mhute yamuka iri mudunhu iri mangwanani eSvondo ingadai iine chekuita here.

Bryant anonzi ainyanyozivikanwa nekushandisa chikopokopo senzira yekunzvenga nayo dambudziko rekubatwa kuwanda kwedzimotokari mumigwagwa.

Mutambi uyu akatamba kwemakore akawanda angada kuita nguva yose yaakatamba basketball ari kuchikwata cheLos Angeles Lakers, vakahwinha mikombe mishanu yeNBA Championships akawanawo mubairo wekuve mutambi akakosha kudarika vamwe kana kuti Most Valuable Player muna 2008.

Bryant anga ari chizvarwa chedunhu rePhiladelphia asi akakurira kuItaly uko baba vake vaitambawo mutambo webasketball wepamusoro mushure mekunge vasiya kutamba muNational Basketball Association muAmerica.

Bryant, uyo anga ave nemakore makumi mana nerimwe ekuberekwa, asiya mudzimai nevanasikana vatatu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG