Accessibility links

Breaking News

Ndege Yakatengwa neHurumende kuMalaysia Inosvika Munyika


Ndege itsva iyi yerudzi rweBoeing 777 inonzi yasvika paRobert Gabriel Mugabe International Airport yakatambirwa nevakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga.
Ndege itsva iyi yerudzi rweBoeing 777 inonzi yasvika paRobert Gabriel Mugabe International Airport yakatambirwa nevakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga.

Imwe yendege mbiri dzerudzi rweBoeng 777-200 dzakatengwa nehurumende kubva kuMalaysia muna 2016 yasvika munyika apo yamhara panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International masikati.

Ndege iyi inonzi yatambirwa nevakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, avo vanove zvakare mumwe wevatewedzeri wemutungamiri wenyika, avo vanonzi vabva vangoisvitsa kukambani yendege yeAir Zimbabwe.

Vamwe vakuru muhurumende vatambira ndege iyi vanosanganisira gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, pamwe negurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoel Biggie Matiza, avo vanonzi vaperekedza ndege iyi kubva kuMalaysia.

Amai Mutsvangwa vanoti kutengwa kwendege iyi chinhu chikuru kwazvo chaitwa nehurumende sezvo zvichibatsira nyika zvikuru mukupinda kwevashanyi vanobva kunze vachiuya kuzoona nzvimbo dzekushanyirwa dzakasiyanasiyana.

Ndege idzi dzinonzi dzakatengwa nehurumende dzakatombopinda munyika muna 2018, asi dzinonzi hadzina kuzogara sezvo pakaita kusawirirana panyaya yekubhadharana, izvo zvinonzi zvakaita kuti dzidzoserwe kuMalaysia.

Gore rapera hurumende inonzi yakatengawo zvakare imwe ndege yerudzi rweEMBRAER ERJ-145, asi hatina kukwanisa kunzwa kuti ndege iyi iri kufamba here pari zvino.

Air Zimbabwe inonzi ine ndege nhanhatu asi imwe chete ndiyo inonzi yanga ichiri kufamba.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu VaMatiza kuti tinzwe kuti nyika yave nendege ngani uye dzichiri kushanda ingani.

Hurukuro naAmai Monica Mutsvangwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG